‘Vana mhan’arai, musatyisidzirwe’

Muchaneta Chimuka
Nyaradzo Mashayamombe, uyo anova mukuru wesangano reTag A Life, iro rinorwira kodzero dzevana – zvikuru avo vachiri kuenda kuchikoro – anoti vana vechikoro vanofanira kumhan’ara nyaya dzose dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwavo muzvikoro pasina kutya. “Kana vana vechikoro vakatya kudura zvavanenge vatadzirwa nematicha avo vanenge vachitobatsira mukuchengetedzwa kwevasungwa kuti vagare havo kumba pachinzvimbo chekuti vaende kujeri. Kumbunyikidzwa uku kunobva kwaramba kuchienderera mberi kumudzidzi kwemakore mazhinji vachitoona sekunge zviri kutovafambira, saka vana ngavamhan’are,” akadaro Mashayamombe.

Anoti vana vazhinji vanowanzosangana nematambudziko aya vanenge vari nherera kana vanobva kumhuri dzinotambura. Mashayamombe anoti varairidzi vanombunyikidza vana vechikoro vanovakwezva nezvinhu zvidiki-diki zvakadai semari, zviwitsi, kumakirwa basa ravo rechikoro vachipihwa zvibodzwa zvakawanda nezvimwe.

“Vamwewo vabereki kudzimba vanoti kana mwana achinge abatwa chibharo vomhanyira nyaya dzekuda kuripirwa nanyakupara mhosva pachinzvimbo chekuti vaendese nyaya idzi kumapurisa. Vamwe vana vanotya kubuda pachena nekutya kusekwa kana kuitwa chituko munharaunda.

“Nharaunda dzatinogara dzinotarisira mwanasikana kuti ange achiva nehunhu kana tichienzanisa nematorerwo anoitwa mwanakomana. Nekuda kweizvi, ndokusaka mwanasikana kana akapfeka hembe pfupi achitukwa nekuti pane pfungwa iya yekuti kana zviye akazobatwa chibharo ndiye anenge akwezva varume zvisinei nekuti iye pachake anenge achitoona kuti anenge atadzirwa,” akadaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×