‘Vana ngavadzidze zvinovararamisa’

ZVAKAKOSHA kuti vadzidzi vave neruzivo uye kuti varovedzerwe kuzvinhu zvinovabatsira muupenyu panguva yavanenge vari pachikoro sezvo izvi zvichiita kuti vadzidze vaine gwara rakajeka, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanodaro.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHarare Metropolitan, Senator James Makore.

Sen Makore vaida kunzwisisa mamiriro ezvinhu zvichitevera mashoko anoti vadzidzi vanenge vapedza O-Level vanofanirwa kumbonoshanda kumakambani vasati vapfuurira mberi kuenda kuA-Level.

Dr Dokora vakati chirongwa ichi chakada kufanana nezvinoitwa nezvimwe zvikoro zvakazvimirira izvo zvinombotora vadzidzi vazvo vachimboendeswa kunzvimbo dzakaita seNyanga kwemwedzi wose kana kudarika apo vanenge vachiita mitambo pamwe nezvimwe zvinovadzidzisa kuti vave nehushingi.

“Tikatarisa muzvikoro zveHurumende, kana maprefects achinge asarudzwa anodzidziswa pamusoro pebasa ravo. Kudunhu reMatebeleland maprefects aya anoendeswa kuMatopos uko vanonodzidziswa pamusoro pekuve vatungamiriri. Vanozopinda munyika vachiziva zvavanogona kusangana nazvo,” vanodaro Dr Dokora.

“KuMatabeleland South zvakare tine chikoro chiri kushanda neveVID (Vehicle Inspection Department) nevamawe vanoita zvezvifambiso kuitira kuti vadzidzi vacho vakwanise kutora marezinesi ekutyaira motokari uye izvi zvinobatsira muupenyu.”

Dr Dokora vanotizve izvi hazvifanirwe kunge zvichiitirwa kuvadzidzi veForm 4 chete, asi kuti kunyangwe nevari kupuraimari.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *