Cassius Mushore
MUMWE mukadzi anoti murume wake kana ave kuda kumurova anotanga amusvipira mate azomurikita zvisina mukare akamboona.
Tabeth Chipundi akaudza dare reHarare Civil Court kuti anzwa nekurohwa pamwe nekutukwa nemurume wake, Allan Chipamba. “Murume wangu mushungurudzi changamire, anoti kana afunga zvekundirova kana akanyatsodhakwa anosvika ondosvipira mate, ozotanga kundirova zvekundisiya ndisingachapfakanyike.
“Anoti akatanga kutuka anobva mangwanani kusvika husiku achingotuka nezvinyadzi. Dzimwe nguva anomuka pakati pehusiku otanga kundituka pamberi pevana,” akadaro Chipundi. Akati zvakare murume wake anotuma mumwe wevana wavo kuti amubvunze kuti ari kufungei nezvekubva pamba pavo pamwe nekurambidzwa kuenda kuchechi.
Chipamba akapikisa mukadzi wake achiti kubva pakafa munin’ina wake, ave kungogara akafundumwara. “Mukadzi wangu ndiye honzeri yematambudziko pamusha pangu. Kubva zvaakangobva kurufu rwemunin’ina wake ave kungoswera akati kwindima. Ndikamumhoresa anongodaira obva anyarara, hatichina dzimwe nyaya. Ndinotomboedza kumunyararidza ndichimusimbisa nekufirwa kwaakaita asi hazvina shanduko, kana hama dzake ndakatombodziudzawo.
“Zvekuti ndinomurova izvo manyepo nekuti kubva zvataroorana muna 1969 handina kumbobvira ndamurova. Ini semunhu akadzidzira tsiva, ndikada kumurova anoswera chava chitunha,” akadaro Chipamba.
Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Chipundi.




