Vana vanongopunzika, votadza kutaura

MHURI igere mubhuku raChirombo kwaChinhamora, kuDomboshava, ine dambudziko revana vanongodonha, vozoita mazuva vachitadza kutaura.

VaCallisto Tichaona Chiuta (62) nemudzimai wavo, Lucia Chiuta (43), vanoti vana vavo vatatu pavesere vane dambudziko rekungodonha.

“Ndine dambudziko randinetsa, revana vangu vatatu vanotanga kungogwinha, vobva vapunzika. Izvi zviri kuitika kuvakomana —wemakore 13 neane makore 7 — nemusikana ava nemakore matatu okuberekwa.

“Vose vanoita mazuva kana masvondo vasingataure, votozodziidzira kududza mazwi,” vanodaro.

VaChiuta vanoti mwana wavo mukomana mukuru ane makore 25 okuberekwa akambotanga achidonha asi zvikazopera zvoga.

Vanotizve dambudziko iri rikatanga, rinogona kupedza nguva ingaite maminetsi 30 zvozopera apo vana ava vanozopatika vasingazive zvavari.

“Ndinomboenda navo kuchipatara asi pasina chaicho chinoonekwa uye kuchivanhu nekumaporofita ndinoudzwawo zvakasiyana-siyana,” vanodaro.

Mai Chiuta vanoti vakamboenda kuchipatara vachifunga kuti vana vavo vane zvifa zvifa izvo machiremba akaramba.

“Takaenda kumachiremba akawanda asi hapana chiri kuonekwa uye kuchivanhu nekumaporofita taneta kuudzwa zvakasiyana,” vanodaro.

Vana vatatu ava vakatosiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko ravo.

“Tave kutyira kuti vana ava vakaramba vakadai, vanokwanisa kuita mazungairwa nekuti kakawanda tinozoguma tave kuvadzidzisa kutaura, vachitadza kududza mazwi. Tapedza mari nekuedza kuti tibatsire vana ivava,” vanodaro Mai Chiuta.

Vanoti kuburikidza nekudonha uku, vana ava vanogara vakakuvara sezvo vachirovera pane dzimwe nzvimbo dzine matombo nezvimwe zvinokuvadza.

Kune vanoda kubatsira vanokwanisa kuridza nhare dzaVaChiuta dzinoti 0733 183 516.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×