Vana vaviri vatsakatika vari pamba

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inosuwisa zvakanyanya, kune mhuri mbiri — yekwaMutare neyekuMasvingo — dzakashaya vana vaviri vose vane makore matatu okuberekwa avo parizvino vari mushishi yekutsvagwa nemapurisa pamwe chete nevabereki vavo.

Mumwe wevana vari kutsvagwa anonzi Nathaniel Ngirichi (3) aigara nevabereki vake kuGimboki Phase 1, kwaMutare uyo akangoshaikwa pamba nemusi wa25 Chikumi gore rino.

Kune vanokwanisa kubatsira munyaya iyi vanokurudzirwa kuridza nhare pamanhamba anotevera 0773 970 817, 0784 045 689, 0785 904 466 kana 0778 753 897.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya yekushaikwa kwemwana uyu.

Mwana wechipiri ari kutsvagwa ndiPrincess Jackson (3) wekuZaka, kuMasvingo uyo akangoshaikwa pamba zvakare apo akanga asiiwa ari oga masvondo akadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanotsinhirawo nyaya iyi.

“Ichokwadi tine mwana ari kutsvagwa kuZaka wemakore matatu akangoshaikwa pamba pevabereki vake anonzi Princess Jackson uyo akashaikwa nemusi wa2 Chikunguru gore rino kwaSabhuku Muchemi, kwaMambo Nyakunhuwa, zvakawanda zvichatevera munyaya iyi,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *