Vana vekumapurazi vobatsirwa

RIMWE boka riri pasi pebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, reZimbabwe Academy Learning (ZAL), rinoti riri kusimudzira dzidzo yevana vekumapurazi, zvikuru vanasikana avo vamwe vacho vari kusiira dzidzo panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

ZAL inonyanya kubatsira vana vanoshaya avo vanenge vakatarisana nekusiira chikoro panzira.

Muhurukuro nemumwe mudzidzisi wepachikoro cheKuwadzanai Salvation Secondary School, muHarare, Mai Magaret Mapingire, avo vanove co-ordinator wechirongwa ichi pachikoro chavo, vanoti vana ava vari kubatsirwa nemari yechikoro, mayunifomu nezvimwe zvinodiwa pakudzidza kwavo.

“Muzvikoro zviri mumapurazi vana vasikana vari kuwanikwa vakawanda panyaya yekusiira chikoro panzira kana zvichienzaniswa nevakomana. Zvikonzero zvacho zvinosanganisira kushaikwa kwemari pamwe nekufirwa nevabereki,” vakadaro Mai Mapingire.

Vanoti kune vamwe vabereki zvakare vanokoshesa kuendesa mwanakomana kuchikoro pane mwanasikana inova pfungwa yekare sezvo vana vose vachifanira kupihwa mukana wekudzidza.

“Chinodiwa kune mhuri idzi kupangwa mazano, vazive kukosha kwemwanasikana. Hapana chakasiyana pamwanakomana nemwanasikana, vose vanoda kodzero dzakafanana nekuti dzidzo ikodzero yemwana wese,” vakadaro.

Vanoti zvikoro zviri kumapurazi zvinoda kusimudzirwa sezvo kune zvimwe zvacho vana vari kudzidzira pasi pemiti kana kuti mumadhirihora anopisirwa fodya.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×