Vana vePrince Edward vakagadzira mota itsva

VANA vanodzidza paPrince Edward High School, muHarare, vakanyora nhoroondo nekuva chikoro chekutanga pasi rose kuratidza hunyanzvi hwemagadzirirwo emotokari itsva, iyo iri kutarisirwa kugadzirwa mumakore maviri ari kutevera.

Vana ava, avo vose vanove muUpper 6 — vachibatsirwa nevarairidzi vezvikamu zveScience neTechnical zvepachikoro apa — vakaumba kambani yavo iyo iri padanho rekunyoreswa zviri pamutemo. Chirongwa ichi chiri kutungamirwa naMuzvare Princess Mushonga, chichitsigirwa neboka reBook of African Records rakabatana nekambani yeSanctuary Insurance Company.

Vadzidzisi vezvikamu zveScience neTechnical vepachikoro ichi vari kutsigira vana ava apo ruzivo rwakadzama-dzama vachirwupihwa nenyanzvi dzinoshandira muindasitiri ezvemotokari pamwe nekutengeserana.

Vachiparura zviri pmautemo chirongwa ichi pamwe nekambani iyo ichange ichizivikanwa nezita rekuti Prince Edward Automobile, district education officer kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Muzvare Anatoria Ncube, vanoti bazi ravo rinotsigira hurongwa uhu zvizere.

“Tiri kuvatsigira zvakazara nekuti idonzvo rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti vadzidzi vawane fundo inovapa pundutso nekuvadzidzisa mabasa emawoko kuitira kuti vakwanise kuzviitira mabasa anovabatsira,” vanodaro Muzvare Ncube.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro chePrince Edward School, VaAgrippa Sora, vanoti chirongwa chekugadzira motokari ichi chakananga kubatanidza fundo yemumabhuku nezvinowanikwa muupenyu.

Keith Ncube ndiye mukuru wekambani iri kunyoreswa iyi, Tanyaradzwa Makurumidze ari business development manager. — The Herald.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *