‘Kana ndadhakwa . . .’. . . ndinowetera magumbeze aamai

Amager Mufema
MURUME ane marambadoro, uyo anoti kana adhakwa anoitira weti mumagumbeze anorara amai vake, akaudza dare kuti haazive chinenge chamugara paanoita hunhu hunonyadzisa uhu.

Berry Dhumingo akaendesa Shepherd Dhumingo kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza nekusamukudza saamai vake vakamurera kubva achiri mudiki. “Changamire, ndapoterawo kudare kuno nekuti mwana wamunoona uyu mwana wemunin’ina wangu akashaika. Ndini ndakamuchengeta kusvika paasvika apa nhasi. Asi chokwadi vakuru pavakati ukarera nhiriri nemukaka mangwana inofuma yokuruma vakareva.

“Shepherd anoti kana adhakwa anochengeta weti yake ouya kuzoiitira mumagumbeze angu,” akadaro Berry. Berry akaenderera mberi achiti Shepherd anogaromutuka, kumurova nekumutyisidzira kuti anoda kumuponda.

“Pose paanonwira doro, anouya kumba osvikondituka, kundirova nekundiudza kuti anoda kundiponda. Chokwadi mwana akasiiwa ari pwere ndikachengeta nhasi ondiita zvakadaro?” akadaro Berry.

Achipawo divi rake, Shepherd akati aisapokana nechikumbiro chaamainini vake chekuti vadzivirirwe uye ndokuti anoitira weti mumagumbeze avo asingade asi kuti anenge akadhakwa.

“Ini handipokane nechikumbiro chaamai vangu asi handitozivawo zvandinoita kana ndadhakwa. Pose pandinodhakwa ndinozofuma ndichiudzwa nevanenge vari pamba kuti ndakauya ndikaitira weti mumagumbeze amai ndikavatuka nekuvarova. Asi ini handitozive nekuti doro ndiro rinenge richindishandisa.

“Ndakatosiya doro racho nekuti rinondikonzeresa ndikazoguma ndatora ngozi nezvinhu zvandinonzi namhamha ndinoita ndadhakwa uye ndinoda kukumbira ruregerero kuna amai vangu dare rose richinzwa,” akadaro Shepherd.

Mutongi Barbra Mateko akapa Berry gwaro redziviriro akati Shepherd anofanira kusiyana netsika yekushungurudza amai vake.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×