Vanasikana vopinzwa chikoro

Muchaneta Chimuka

SANGANO rakazvimirira reSister 2 Sister riri kusimudzira upenyu hwevanasikana vanotambura muZimbabwe kuburikidza nekuvabatsira kuti vawane fundo neutano hwakanaka.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira kwaMambo Svosve, kuMarondera, mudunhu reMashonaland East uko sangano iri riine zvimwe zvirongwa zvekubatsira vanasikana mune zvakasiyana ndokuita hurukuro naMai Tirirai Chirima, avo vanova murongi kuSister 2 Sister.

“Pari zvino tine vanasikana 50 vemudunhu rino – vazhinji vacho nherera nevamwe vakasiira chikoro panzira mushure mekuitiswa – asi tovakurudzira kuti vadzokere kuchikoro.

“Kune vari mudzimba tinovapa zvidzidzo zvekuti vachengetedze wanano dzavo.

Mai Tirirai Chirima

“Tinovafundisa zvakare nezvezvirwere zvepabonde seHIV kuti zvinodzivirirwa sei uye nyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.

Mai Chirima vanoti gore rapera vaiva nevasikana 75 vaipinda muzvirongwa izvi asi gore rino vane 50 zvichitevera kuti boka rimwe nerimwe rinenge richifanira kuva nevanhu 50 uye vachifundiswa vari muzvikwata zviviri zvine vanhu 25.

“Tinoita misangano yedu nomusi weSvondo woga-woga apo tinopa vasikana mikana yekudura nhunha dzavo tichivapanga mazano kana kutumira nyaya dzavo kumapurisa, zvikuru kana paita nyaya dzechibharo, mhirizhonga kana dzimwe nzira dzine chekuita nekushungurudzwa kwavo.

“Tinovafundisa mashandisirwo emakondomu mukudzivirira zvirwere kune avo vabva zera nekuti chikwata chatinofundisa chine vanasikana vanobvira pamakore 10-25 ekuberekwa,” vanodaro.

Zvisinei nemabasa makukutu aya, Mai Chirima vanoti vari kusangana nematambudziko evamwe vabereki vanorambira nevana vavo.

“Kana mwana akafundiswa maringe nezvinhu zvakaipa zvinobatsira kuti asazowire mumadhaka nekuti vamwe vana vanotokungura kuti kudai chirongwa ichi chakapinda munzvimbo dzavo kare vangadai vasiri kurarama upenyu hwavari pari zvino. Asi, tinofara kuti vasikana vazhinji avo vakamitiswa vave kutosiya vana kudzimba vachidzokera kuchikoro uye vachitopasa,” vanodaro.

Sangano reSister 2 Sister rinoshanda richitsigirwa nemamwe akadai seZimbabwe Community Health Intervention Research Project Behaviour Change (ZICHIRE-BC), Unicef, Zimbabwe Youth Council, National AIDS Council nePlan International.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *