‘Vandudzai mabasa enyu’

VARIMI vechidiki pamwe nevanhukadzi vakakurudzirwa kuti vavandudze mabasa avo nekuita mabhindauko akaita sekupfuya tsuro sezvo izvi zvivapa pundutso.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rebazi rezvekurima rinoona nezvezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, pakuparurwa kwechirongwa chekupfuya tsuro nevesangano reRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe muHarare.

“Mabhindauko akaita sekupfuya tsuro anosimudzira zvikuru saka naizvozvo ndinoti kune veRPPA vauya zvakanaka, mwana wechikoro anokwanisa kupfuya tsuro achitengesa achizvibhadharira mari yechikoro nekuti ibasa risina kuoma zvakare rakareruka rinounza mari munguva pfupi,” vakadaro.

“Chimwe chinodiwa kuti mabhindauko akadai aenderere mberi kuwanisa vanhukadzi nevechidiki mari yekutangisa zvirongwa zvakadai nekutsvaga misika yekutengesera. Naizvozvo ndinovimbisa kuiti isu sebazi tichabatana pamwe nesangano iri kutsvaga misika yekutengesera tsuro idzi muno nekunze kenyika.”

Vanoti tsuro kunze kwekuitwa husavi, matehwe adzo anoshandiswa zvakasiyana zvakare zvakaita sekugadziriswa nhumbi dzekupfeka.

Sachigaro wesangano iri, VaJonathan Tembo, vanoti vakatanga chirongwa ichi nechinangwa chekusimudzira vanhukadzi pamwe nevechidiki.

“Iye zvino takatotanga kuitisa zvidzidzo zvekupfuya tsuro munzvimbo dzakasiyana dzenyika. Tiri kunyoresawo varimi veminda mirefu zvakare uye tichange tichiita misangano navo tichivadzidzisa zvose zvinodiwa pakupfuya tsuro,” vakadaro VaTembo.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Dr Cliff Makanda vanova Director Curriculum Development and Technical Services kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari vakati zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidziswe kupfuya tsuro pamwe nekurima.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×