Vanhu 134 vafa nemvura yekunaya

Precious Manomano

VANHU 134 vakafa nekuda kwenjodzi dzine chekuita nekunaya kwemvura kubva pakatanga mwaka wezhizha, sezviri mugwaro richangobuditswa nebazi reDepartment of Civil Protection.

“Kukwira kuri kuita mvura munzvimbo dzakadai semunzizi kuri kuona vamwe vanhu vachiyeredzwa, dzimba dzichipunzika uye vanhu venharaunda vachitadza kuenda kunzvimbo dzavanowana zvinhu zvakasiyana-siyana,” rinodaro bazi iri.

Mvura zhinji, iyo yakatanga kunaya zvakare mwedzi uno, yakakonzera kuti vanhu 56 vashaye kwekuenda mushure mekunge nzvimbo dzavakange vari dzakomberedzwa nemvura, zvimwe zvivakwa zvezvikoro 237 zvakaparadzwa uye mhuri 1 500 dzikakanganiswawo ugaro hwadzo.

Kufamba kwedzimotokari kwakakanganiswa svondo rapera apo vatyairi vakapedza nguva inokwana awa rimwechete vakamira pabhiriji reShangani mumugwagwa Gweru-Bulawayo mushure mekunge razara nemvura.

Gweru District Development Coordinator, VaTarisai Mudadigwa, vanotsinhira kuti kekutanga munhoroondo, bhiriji reShangani rakazara nemvura yaifashukira nepamusoro paro.

Vanoti nzvimbo iyi, iyo inoganhurana nepurovhinzi yeMidlands, yakanaya mvura yakadzika pasi zvekusvika 170 mm mukati memaawa mapfumbamwe.

Vadzidzi vepuraimari vakange vashanyira imwe nzvimbo inochengetwa mhuka dzesango pedyo neShangani havana kudzoka musi wavaitarisira sezvo motokari yavo yakange isingakwanise kuyambuka nzizi dzaive dzazara nemvura.

Bazi reZimbabwe National Water Authority (ZINWA) rakatopa chiziviso kune veruzhinji chekuti vangwarire kuti mamwe madhamu ari pedyo navo anogona kufashukira nemvura.

Madhamu aya anosanganisira Tugwi-Mukosi, Mutirikwi naManjirenji.

Nemusi wa15 Kurume kuZvishavane, makorokoza 16 akakomberedzwa nemvura panzvimbo yavaive uye vakakwanisa kununurwa murwizi rwaMuchingwe

KuChiredzi, varume vana (4) vakanunurwa zvakare mushure mekunge vayeredzwa nemvura apo vaizama kuyambuka rwizi rwaRunde rwaive rwakazara nemvura nemusi wa13 Kurume.

KuZaka, mutumbi wemurume wakawanikwa nemusi wa13 Kurume mushure mekunge varume vaviri vayeredzwa nerwizi Mutirikwi.

Mwanasikana ane makore 10 okuberekwa akafa kuMasvingo mushure mekunge imba yaaive yadhirika nekuda kwemvura zhinji yainaya.

Nemusi wa16 Kurume, varume vaviri vakayeredzwa murwizi rwaMunyati kuGokwe apo vaizama kuyambuka nehwato. Mumwe wavo akakwanisa kununurwa asi mutumbi wemumwe wacho hausati wawanikwa.

Hurumende iri mushishi yekuona kuti vanhu vari kusangana nenjodzi dzine chekuita nemvura iri kunaya vabatsirwa nekukasika.

Izvi zvinosanganisirawo kukushwa kwemashoko echenjedzo uye yambiro kubva kuDepartment of Civil Protection neMeteorological Services Department.

Hurumende yakabatsira zvakare nemari yekufambiswa kwebasa rine chekuita nekununurwa kwevanhu vanenge vasangana nenjodzi dzakasiyana-siyana.

Pamusoro pezvo, pane chibage chinokwana matani 50 icho chakapihwa kudistrict rimwe nerimwe munyika chekubatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi ine chekuita nekunaya kwemvura.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×