Vanhu 70 vafa mutsaona dzine chekuita nekunaya kwemvura

Kingstone Mapupu

BAZI rinoona nezvekuchengetedzeka kweruzhinji munyika reCivil Protection Unit (CPU) rinozivisa kuti vanhu vanokwana 70 vafa mutsaona dzine chekuita nekunaya kwemvura kubva patanga mwaka wezhizha uno.

Misha yaparadzwa nemvura munyika inosvika 1 043.

CPU inoti dunhu reManicaland ndiro rine vanhu vakawanda vafa nekuda kwetsaona dzine chekuita nekunaya kwemvura apo vanhu 31 vashaika uye richiteverwa neMashonaland West uko kune vanhu 19 vafa.

KuMidlands kune vanhu 13 vafa nekuda kwemvura iri kunaya.

Tsaona idzi dzakakonzerwa nezvakasiyana.

Kudunhu reManicaland kunonzi ndiko kune misha yaparadzwa yakawanda iyo inosvika 510, richiteverwa neMashonaland East kune misha yaparadzwa nemvura inokwana 192.

Zvakadai, CPU inokurudzira veruzhinji kuzvichengetedza kubva mutsaona dzinokonzerwa nemvura idzo dzinogona kudziviririka.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *