Vanhu 88 vafa nemoto

Daphne Machiri
GURUKOTA rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti vanhu 88 vafa nekuda kwenjodzi yemoto wesango kubvira gore 2009 kusvika pari zvino uyewo waparadza mahekita anosvika 1 510 200. Vachitaura nguva yadarika muguta reHarare pakupihwa kwezvitupa kumadzishe nemasabhuku vanosvika 174 vakapedza zvidzidzo zvekuchengetedza nharaunda, Cde Muchinguri-Kashiri vanoti bazi ravo riri kushanda nevatungamiriri vematunhu mukuchengetedza veruzhinji nezviwanikwa kubva kunjodzi yemoto wesango.

“Vanhu 88 varasikirwa neupenyu hwavo nekuda kwenjodzi yemoto kubvira gore 2009 kusvika pari zvino uyewo masango anosvika mahekita 1 510 200 akaparadzwa.

“Tichitarisa matambudziko aya, ari kuunzwa nekupiswa kwemasango uye tine basa guru. Vatungamiriri vematunhu tibatsirei, tinovimba kuti mava neruzivo rwakakwana rwekuchengetedza nharaunda,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanotizve veruzhinji vanofanira kugadzira ma”fire guard” kuburikidza nekusakura nzvimbo inozoita seruzhowa rwekudzivirira kupararira kwemoto.

“Vanhu vanofanirwa kusakura nzvimbo dzichichena kuitira kuti moto usazopararira uchipisa masango zvakare vaye vanoputa fodya ndivo vamwe vanokonzeresa kutsva kwemasango.”

Cde Muchinguri-Kashiri vanoti moto ndiwo uri kunyanya kuparadza masango naizvozvo zvakakosha kuti madzishe nemasabhuku vaone kuti zviwanikwa zvekumatunhu avo zvachengetedzwa.

“Ngatiregei kupisa masango, kuchera-chera makomba zvisina tsarukano, kunyanya munzvimbo dzine makorokoza, nekutema miti. Zvakare vanhu ngavarime munzvimbo dzakafanira kwete

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *