‘Vanhu ngavadzidziswe kukosha kwemiti’

MUTEVEDZERI wegurukota rebazi rezvekushanyirwa, Retired Brigadier-General Walter Kanhanga, avo vanove zvakare mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly vanoti veruzhinji vanofanira kudzidziswa kukosha kwekudyara miti pamwe nekuichengetedza.

Vakataura mashoko aya paNyamuseve Secondary School kuGuruve svondo rapera apo vaiparura chirongwa chekusima miti vakabatana nesangano neFriends of the Environment (FOTE) apo pakasimwa miti inosvika 1 500.

“Nzvimbo yeGuruve iri kuita gwenga zvishoma nezvishoma nekuda kwevamwe vanhu vari kungoramba vachitema miti vasingasime mimwe patsva. Vanhu vari kuita dambudziko rekusaziva kukosha kwemiti asi vachingoda kungoishandisa chete mumabasa akasiyana. Miti yakakosha zvikuru zvekuti inofanira kuchengetedzwa nekuti ine mabasa akawanda.

“Miti ndihwo hupenyu nekuti ndiko kunobva mhepo yatinofema yakachena, huni, mapuranga, midziyo yemumba neimwewo yekushandisa, chikafu, mishonga yekurapisa pamwe chete nehuni dzekupisisa zvirimwa zvakaita sefodya. Zvese izvozvi tinokwanisa kuzviwana kana tichishandisa miti nehungwaru uye tichisima mimwe zvakare kutsiva yatinenge tatema,” vakadaro.

Rtd Brig-Gen Kanhanga vakakurudzira madzishe nevamwe vatungamiriri kuti vatsigire zvirongwa zvekudyarwa kwemiti.

Vachitaura vakamirira FOTE, VaAugustine Mukaro, vakati donzvo ravo ndere kuti veruzhinji, kusanganisira vana vechikoro, vazive kukosha kwemiti.

“Tichadzoka zvekare tichifamba munzvimbo ino tichidzidzisa vana vechikoro pamwe chete nevabereki kusima miti nenzira dzakasiyana dziri nyore.

‘‘Izvi tinozviitira kuti vana vakure vachiziva kukosha kwemiti. Miti haipo chete pakuchengetedza nharaunda asi kuti ndipo panowanikwa mari kupfurikidza nekutengesa michero pamwe chete nemapuranga nezvimwewo zvinoshandiswa pamiti,” vakadaro VaMukaro.

Mambo Kazunga, VaAaron Kazunga, vakatsinhirawo vachiti miti nemasango zvinofanira kuchengetedzwa uye vose vanobatwa nemhosva yekupisa masango zvisina tsarukano mudunhu ravo vacharangwa maringe nemutemo.

“Hakuna munhu anovesa moto musango kana kupisa huswa zvandisingazivi.

Anoonekwa achiita izvi achapinda mudare oripiswa nekuti nzvimbo yedu yava kuita gwenga. Vanhu ngavazive kuchengetedza miti nenharaunda yavo,” vakadaro

Related Posts

Kaka amiswa basa . . . opomerwa kushandisa juju

Tadious Manyepo MAZUVA mashoma mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders wabva mukutambwa, DeMbare yamisa basa murairidzi wayo, Genesis “Kaka” Mangombe, apo ongororo iri kuitwa maererano nemhosva dzaari kupomerwa, dzinosanganisira kushaya ruremekedzo…

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×