Makorokoto Cde President!

PRESIDENT Mugabe vachipemberera zuva rekuzvarwa kwavo makore adarika apo vaive nemudzimai wavo, First Lady Dr Grace Mugabe, mwanasikana wavo Bona Chikore nevamwe
PRESIDENT Mugabe vachipemberera zuva rekuzvarwa kwavo makore adarika apo vaive nemudzimai wavo, First Lady Dr Grace Mugabe, mwanasikana wavo Bona Chikore nevamwe

RUZHINJI rweZimbabwe rwuri kubabatana svondo rino mukukorokotedza mutungamiri wenyika, President Mugabe, avo vari kusvitsa makore 91 okuberekwa musi weMugovera uno (Kukadzi 21).

Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vari kupembera nekufara, avo vakati vanodada kuve naPresident Mugabe semutungamiri wenyika.

“Ini ndinofara zvikuru nekusvitsa makore 91 kwaPresident vedu,” anodaro Calisto Kamoto (20) wekuGlen View, muHarare.

VaGivemore Nyamuziwa (40) vanoti bhavhadhe raPresident Mugabe regore rino rasiyana nemamwe makore sezvo riri kuitwa panguva iyo vachangobva kusarudzwa kuva sachigaro wemubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, weAfrican Union.

“Bhavhudhe raCde Mugabe rwendo rwuno rakakosha zvikuru nekuti riri kutevera kugadzwa kwavakaitwa kuva sachigaro weAfrican Union. Rine mutsindo,” vakadaro.

President Mugabe ndivo zvakare sachigaro wesangano remubatanidzwa wenyika dzeSadc.

VaZindoga Mutandi (48), vekuChitungwiza, vanoti vanoshuvira President Mugabe kuti vararame makore akawanda.

“Ndinoti makorokoto/amhlope Gushungo, Mwari ngavakuwedzerei mamwe makore ekurarama. Tinokudai mutungamiriri ane fundo yepamusoro, anoziva zvaanoita,” vakadaro.

Mai Virginia Malunga (34) vekuHatifield, muHarare, vanoti vari kutumira “sando” dzavo kuna President Mugabe.

“Sando kwamuri Gushungo! Rambai makashinga nekuti kutonga nyika handinyore. Rambai munesu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Rumbi Dangare (33), vekuEpworth, avo vanoti hutungamiriri hwose hunogadzwa naMwari.

“Mbiri yose tinoipa kuna Mwari nekuti ndivo muchengeti uye vanoziva chinangwa cheZimbabwe, ndokusaka vakatipa mutungamiri wedu zvinoita kuti upenyu huendeke. Tinoshuvira kuti kudai vawedzerwa makore mazhinji ekurarama. Makorokoto!,’” vakadaro.

Mbemberero dzegore rino dze21st February Movement dziri kutarisirwa kuitirwa kuVictoria Falls.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×