Vanhu vashanu vafa

Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevashaya nedenda iri kubvira parakanyuka muno gore rapera husvike pa1 611.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi uyu, vanhu 39 238 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 746 vakatopona.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 688 696 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 385 275 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Vanhu vanosvika 27, kusanganisira vana, nevashandi vepamusha unochengetwa nherera weMary Ward Children’s Home uri kuKwekwe vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi uyu.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 kuKwekwe.

Mukuru anoona nezveutano kuMidlands, Dr Reginald Mhene vanoti vose vakabatwa nechirwere ichi pamusha unochengetwa nherera uyu vari kuchengetedzwa kwavo voga.

“Musha unochengetwa nherera uyu une vana 66 uye pakavhenekwa vanhu vepamusha uyu, 27 vavo vanosanganisira vana nevashandi vakawanikwa vaine chirwere ichi. Pane matanho ari kutorwa ekuti anenge arwara anoendeswa kuchipatara,” vanodaro Dr Mhene.

Kwekwe svondo rapera pamberi yakaiswa pasi pechirongwa che”lockdown” zvichitevera kunyuka kwechirwere chitsva chemhando yeCovid-19 chinozivikanwa nekunzi Indian variant icho chakatangira kunyika yeIndia.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×