‘Vanhukadzi ndivo musimboti wenyika’

NEMUSI weChipiri svondo rino, Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukupemberera zuva revanhukadzi, reInternational Women’s Day, iro rine donzvo rekucherechedza kukosha kwevanhukadzi nemabasa makuru avanobata.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vanhukadzi vanoita mabasa akasiyana sevanoimba, vanosona, vanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana avo vose vakapa pfungwa dzavo pamusoro pezuva iri.

Muimbi Selmor Mtukudzi anoti anofara zvikuru kupemberera zuva iri. “Handina zvangu zvakawanda zvandiri kuita pazuva iri asi ndinofara zvikuru kuti ichi chiitiko chedu semadzimai. Nokudaro sevaimbi vechidzimai ticharamba tichisimudza izwi rinoratidza kukosha kwevanhukadzi kuti vawaniswe ruremekedzo rwavo,” anodaro.

Mashoko ake akatsinhirwa nemumwe muimbi, Hope Masike, uyo anoti chishuwo chake ndechekuti nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi dzipere. “Ndinoti kumadzimai pamwe chete nevanhurume, ‘Happy International Women’s Day’. Izuva redu tose pasina rusarura, ngatiripembererei nemufaro,” anodaro.

Fungisai Zvakavapano-Mashavave, anove muimbi zvakare, anoti anonzwa kudada nemadzimai nekudaro ane nziyo dzakawanda dzaakaimba achipembedza vanhukadzi.

Fungisai anoti: “Pakati pedzimwe nziyo dzandakaimba dzinosanganisira ‘Mwanasikana munhu’. Munhukadzi akapihwa mikana yakafanana nemunhurume anoita mabasa iwayo sezvinongoitwawo nevarume vachitogona kusimudzira upfumi hwenyika. Ukafundisa munhukadzi wafundisa nyika yose nekuti vanozofundisawo vana vavo.”

Mai Kusi Ndara (35) vekuMufakose, muHarare, avo vanoita zvekusona, vanoti vanhukdzi vakosha mubudiriro yenyika.

“Munhukadzi akakosha zvikuru nekuti kubvira pakutakura nhumbu kwemwedzi mipfumbamwe, kurwadziwa pakuzvara nekuzoriritira mwana wacho ibasa remudzimai. Panorwara mwana amai havarari vachimhanya nehusiku hwese kwachiremba kuti mwana apore. Kunyangwe vana vangu chaivo vanofarira kugara naambuya vavo (amai vangu) nekuti vanoona rudo rwakanyanya rwuri mumunhukadzi,” vanodaro.

Mai Emilly Ndanda (40) vemuHarare, avo vanoitawo basa rekuhodha zvinhu vachitengesa, vanoti zuva remadzimai rinofanira kurumbidzwa.

“Ini ndakafundiswa chikoro naamai nekuti vakange vachishanda kuti tinge tichiwana fundo. Baba vakange vachidhakwa zvakaipa zvekuti havaiva nepfungwa yekuti vazive kuti tinorarama sei. Asi amai vairamba vakamira nesu kuti tifanane nevamwe vana vari munharaunda. Dzimwe dzenguva vaitobika doro nekuumba hari vachitengesa kuti tiwane mari yekuchikoro neyechikafu,” vanodaro.

Mai Fungai Bhozhera (40) vekuEpworth, avo vanotengesawo muHarare, vanoti madzimai ndiwo musimboti webudiriro yenyika.

Kunyangwewo vamwe vanhurume vanopembedza mabasa anoitwa nemadzimai.

VaDouglas Chimusipu (46) vekuChitungwiza, vanoti vanhukadzi vakakosha nekuti vanobatsirana nevarume mukushandira nyika nemhuri.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×