‘Vanobata chibharo hokoyoi!’

cuffs
BAZI rezvemitemo nenyaya dzeparamende riri mushishi kuvandudza mitemo kuitira kuti avo vanenge vabatwa nemhosva dzekushungurudza vanhukadzi varangwe zvakaomarara. Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru webazi iri, Mai Viginia Mabhiza, nguva pfupi yadarika pavaiparura chirongwa chine donzvo rekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi, cheNational Action Plan Against Rape and Abuse.

“Tinonzwa kushungurudzwa nekubatwa kwevanhukadzi chibharo zuva nezuva izvi zvaita kuti tibatane nebazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana mukugadzirisa mitemo zvakaringana, kunyanya tichitarisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi,” vakadaro Mai Mabhiza.

Vakati bazi ravo riri mushishi kuvandudza mitemo kuitira kuti vanobatwa nemhosva dzakaita sekubata chibharo varangwe zvakasimba.
“Veruzhinji vakasununguka kutinyorerawo tsamba dzine maonero avo nezvishuwo zvavo izvi zvichatibatsira zvakare kubuda nemitemo yakasimba inogutsa veruzhinji,” vakadaro Mai Mabhiza.

Vakati nyaya dzinenge dzamhan’arwa kumapurisa dzinofanira kufamba negwara chairo kusvikira dzapedza kutongwa kumatare.
“Isu sebazi tinokurudzira kuti kana nyaya dzamhan’arwa dzinofanirwa kufamba nematanho kusvika munhu apara mhosva apihwa mutongo wake. Zvakare kune vaya vanenge vaenda kunomhan’ara kumapurisa musadzoke mave kuti hamuchadi kuti nyaya idzi dzienderere mberi, nyaya ngaipihwe mutongo, zvechiwoko muhomwe kwete,” vakadaro Mai Mabhiza.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×