Vanogona kusaroora zvachose’

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), VaFriday Chisanyu, vanoti dambudziko revarume ava rinofanirwa kugadziriswa nekukasika vasati vatadza kuita vana zvachose. “Varume ava vanoda kubatsirwa nekuti vachakanganisika pakurarama kwavo sevarume zvekuti havazokwanisa kuita madzimai kana vana zvachose. Zvinovaita chingochani izvi zvikwambo kana kuti zvidhoma,” vanodaro.

Vanoti kana vakomana ava ngavazvifambire voga vogadzirisa dambudziko ravo pane kumirira vamwe vemumhuri.

Madzibaba Mossie vekwaMachipisa, kuHighfield muHarare, avo vanopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu, vanotiwo nyaya yevarume ava inosuwisa zvikuru uye vanofanirwa kuti vadzikinurwe nenguva.

“Varume ava vari kushandisirwa mhando yemishonga yekutsvaga mari inobva kudzin’anga dzenyika dzinoti Nigeria, Kenya, Uganda, Democratic Republic of Congo, South Africa, Mozambique kana Malawi. Kunyika idzi kune mhuka dzinopihwa vanhu kana vachida mari zvoshandisa vanhu kushinha navo, kuvasveta ropa nezvimwewo apo vanhu vanenge vachiita mari zhinji,” vanodaro Madzibaba Mossie.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *