Vanotambira $2 000 havachatera

Tandayi Motsi
GURUKOTA rezvemari Professor Mthuli Ncube nemusi weChina svondo rapera vakatura hurongwa hwemari yebhajeti regore rinouya izvo zvakaona mari yemutero (tax) isingabatirwe vashandi pamuhoro wavo ichiwedzerwa kubva pa$700 kusvika $2 000.

Hurumende yakatora danho iri nechinangwa chekuti vashandi vawane mari yakawanda yavanosara nayo.

Mari yevashandi yebhonasi isingabatwe mutero zvakare yakawedzerwa kubva pa$1 000 kuenda pa$5 000 kutanga mwedzi uno.

Mubhajeti iri, Hurumende yakatora matanho akatsaukana nedonzvo rekurerutsa raramo yeveruzhinji.

Hurumende ichange ichibatsira nemari yekututsira mukugadzirwa kwezvimwe zvinhu zvinosanganisira hupfu nemafuta ekubikisa kuitira kuti zvive nemitengo yakareruka inokwaniswa neveruzhinji.

Pamusoro pezvo, vanhu vanodarika 7 miriyoni vachange vachibatsirwa neHurumende nezvekudya munyika kusvika munaKurume gore rinouya.

Nechinangwa chekuti veruzhinji varerukirwe pakufamba, kuburikidza nemabhazi eZupco, Hurumende icharamba ichitenga mamwe mabhazi kubva kunze kwenyika.

Mamwe makambani emabhazi, kutanga munaNdira gore rinouya, achange ave kubvumidzwa kupinza mabhazi aanenge atenga kubva kunze anosvika mashanu nemutero wakaderera wechikamu che5 percent.

Donzvo nderekuti mabhazi awande munyika uye veruzhinji vakwanise kufamba nzendo dzavo pasina kusangana nematambudziko.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×