‘Vanotanga moto hokoyoi’

Kingstone Mapupu
MAMBO Nyamweda, VaClaudious Mandaza, vekudunhu reMhondoro kuMashonaland West vanoti vose vanotanga moto wesangano uyo unoparadza zviwanikwa pamwe nekukonzera gukuravhu vanofanirwa kurangwa zvakaomarara. Mambo Nyamweda vanoti kudunhu ravo vari kuranga vose vanotanga moto wesangano zvisina tsarukano.

“Nyika yakanga yava gwenga vanhu vachiita madiro aJojina, iye zvino kana mhuka chaidzo dzave kuwanikwa nekuti masango apfumvura. Tine vanhu vanopisa masango vachivhima, vamwe vachiita mabasa akasiyana. Mushonga chete tinoripisa zvakasimba kuti vanenge vachida kuzozviita vasvipire pasi,” vakadaro Mambo Nyamweda.

“Pane mutemo zvakare wekuti vanhu vakadarika nepane moto uri kubvira vakarega kubatsirana nevamwe kuudzimura imhosva saka izvi zviri kubatsira zvikuru mukuvandudza masango,” vakadaro.

Kune vaye vanotema miti pamadiro, vanoti vanovashevedza kudare ravo vachivapa zvirango zvavo zvinoenderana nemhosva dzavo.
“Isu semadzishe nemadzimambo tikarega vanhu vachiita madiro nezviwanikwa nyika inogumisira yaita gwenga negukuravhu toshaya pekurima agova makoronga. Saka ikurudziro yangu samambo kuti vanhu varwise kuparadzwa kwemasango,” vakadaro.

Vanoti ivhu nemasango inhaka yemusiiranwa nekudaro zvinofanira kuchengetedzwa.
“Panopiswa masango kunotsva zvinhu zvakawanda zvinosanganisira mhuka, zvipuka nekuparadzawo misha saka munhu akapisa misha yevanhu anobhadhara zvose zvinenge zvatsva,” vakadaro.

Zvakadaro, sangano reEnvironmental Agency (EMA) rakazivisa kuti kune vanhu vanodarika vasere vakafa nemoto mwaka uno uyewo masango nezvinhu zvakaparadzwa zvinokosha US$1 695 772 kusvika pakupera kwemwedzi waGunyana.
Mwaka wemoto unotanga musi wa31 Chikunguru uchipera nemusi wa31 Gumiguru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×