Votambura kuwana mvura yakachena

Malven Mugadzikwa
VAGARI vekwaChivi South, kuMasvingo, vari kutsutsumwa nekushaikwa kwemvura yekunwa yakachena zvichitevera kufa kwezvibhorani zvemudunhu ravo izvo zviri kuita kuti vapedzisire vave kushandisa mvura yemunzizi inova ine njodzi kuutano hwavo. VaTaurai Munangare, avo vanogara mubhuku rekwaChemhere, vanoti vave kupona nemvura yemurwizi rwaRunde.

“Mvura ndihwo upenyu, naizvozvo tinotarisira kuwana mvura yakachena yekunwa. Iri ndiro dambudziko guru ratinaro munharaunda medu, remvura yakachena.

“Tikatarisa mubhuku medu mune zvibhorani zviviri zvisiri kushanda. Mvura yatiri kunwa yemuna Runde iyoyi inogona kutirwarisa nekuti mombe ndimo madzinonwawo mumadziva akasara uye dzinoitira weti nendove pamifuku yatinochera mvura,” vanodaro VaMunangare.
Mashoko avo akatsinhirwa naVaMiidzo Mudaniri, avo vanogarawo munharaunda iyi.

“Murwizi matiri kuchera mvura umu ndimo zvakare muri kuwachira vanhu mbatya pamwe chete nekugezera uye mvura yacho haichayereri nekuti yangosara muzvidziva.

“Tiri kushuvira kuti dambudziko iri dai ranga rapedzwa tiwanewo zvibhorani zvekuti tichere mvura yakachena kuitira kuti tisabatwe nezvirwere,” vanodaro.

Sabhuku Chemhere, VaJimmy Gwaringesu, vanoti dambudziko rekushaya mvura iguru munharaunda yavo.
“Mubhuku mangu makanga muine chibhorani chimwe chete asi pari zvino hachichasevenzi. Nguva yekunaya kwemvura vanhu vanopona nekunwa yemumatsime asi panguva yechirimo vanenge vava kunwa yemurwizi.

“Ndiyo sarudzo yega iripo nekuti mumadhamu inenge yakanyanya kusviba asi zvinogona kukonzeresa zvirwere zvakaita semanyoka nezvimwe,” vanodaro Sabhuku Chemhere.

Zvakadaro, kanzura wewadhi 26 kuChivi South, VaEnock Shindi vanoti vari kutora matanho akananga kugadzirisa dambudziko iri.
“Nzvimbo yangu yakakura zvekuti chero ndikapihwa rubatsiro harwunyatsondikwanira. Muwadhi mangu mune mabhuku 60 asi zvibhorani

zvirimo hazvisvike makumi maviri. Izvi zvega zvinoratidza kuti vanhu havasi kukwanirana nezvibhorani zvavari kushandisa.
‘‘Ndizvo zviri kuunza dambudziko rekuti vanhu vachere mvura yekunwa murwizi.
“Munzvimbo medu munoda zvibhorani zvakawanda kuti vanhu vabatsirikane pamvura,” vanodaro.

Vanoti mabhuku akanyanya kutarisana nedambudziko remvura anosanganisira Mashakadze, Zungura, Musvava, Buzura neChemhere.
“Tiri kutarisira kuti pamwe gore rinouya ndipo patingawana rubatsiro rwekugadzirisa zvibhorani zvishanu kana kudarika. Mvura iri kunwiwa nevanhu haina kunaka nekuti inokonzeresa zvirwere,” vanowedzera vachidaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×