Vanovigwa negonzo

Kingstone Mapupu
PATSIKA dzechitema dzemunyika muno, kana munhu akafa asina kuroorwa kana kuroora uye kana kumbobvira akaita mwana, anovigwa zvakasiyana neavana saimba, vaya vane mhuri.Munhu uyu anenge achinzi ipfunda kana kuti tsvimborume asi mukadzi anodaidzwa kuti tsikombi. Achinge afa, vamwe vanomuviga akasungirirwa gonzo rakafa kumusana, shinda paruwoko kana pagumbo. Vamwe vanomusungirira makavi sechiratidzo chekuti afa asina mwana. Kune dzimwe nzvimbo, munhu akadai anovigwa nechiguri chechibage.

Izvi zvinonzi zvinoitirwa kuti mushakabvu asazomukira vapenyu sezvo vamwe vachiti munhu akafa asina mwana anenge aine shungu dzakanyanya.

VaFrancis Kamumangira (34) vekwaShe Mutonyo, kuMudzi, vanotsigira kuti tsika iyi ichiri kuitwa vachiti inotevedzwa kudunhu ravo.

“Munhu anofa asina kuroora kana kuroorwa anovigwa zvakasiyana neavo vanenge vari muwanano. Patsika dzechivanhu, anovigwa akasungirirwa guri rechibage, gonzo kana kusungwa negavi kana mashizha emuti wemubanana zvichinzi ndiye ave mwana wake,” vakadaro VaKamumangira.

Vanoti asi munhu akafa asina mukadzi, asi aine mwana, haaitirwe tsika iyi.

VaJohannes Millias (44), avo vanogara kuHopley muguta reHarare asi kumusha vachibva kuMalawi, vanoti tsika iyi inotevedzwa zvakare kunyika yavo.

“Tsika iyi imwe chete nekwedu, angava mukadzi kana murume akafa asina kuroora kana kuti asina mwana, anovigwa akasungirirwa gonzo, guri, tsanga, murara kana shizha remubanana.

“Izvi zvinoitirwa kuti asawane waanodzokera nekuti kazhinji munhu asina mudzimai kana mwana anenge aine shungu dzakanyanya, anogona kudzokera hama dzake. Uku kumuratidza kuti hauna wawasiya kunze, zvako zvapera,” vakadaro VaMillias.

Vakafananidza munhu anofa asina mwana kana mukadzi nengozi yemutorwa anofa achichengeta mumusha orega kuroora iyo inonzi inopedza mhuri.

“Tarisai mumusha mukaita mushandi kana kuti vainzi varanda vaye kare, akazofa asina kuroora ngozi yacho inodya marasha zvekuti munopedza mombe nekuzogumisira yave kuda mukadzi anobva mumusha menyu,” vakadaro.

VaKingstone Boyce (36) vekuWaterfalls, muHarare, vakatsigira tsika iyi vachiti inofanirwa kutevedzwa nekuti ine zvainoreva pakurarama kwevanhu vatema.

“Izvi hazvina kungoitwa chete, kungomuka zvave kunzi munhu asina kuroora kana kuroorwa uye asina mwana avigwe akasungirirwa guri kana gonzo. Pane zvihombe zvinobva pazviri,” vakadaro.

Mambo Chundu vekuHurungwe, VaAbel Mbasera (40), vanoti tsika iyi inotevedzwa munyika zhinji dzemuAfrica nemarudzi akawanda.

“Tsika dzose dzechivanhu dzine zvadzinoreva. Munogona kuti mukarega movaviga sevamwe asi mozoona mashura kana zvimwe zvinhu zvinogona kukunetsai, kudzokera mhuri dzavo kana kumuka zvipoko zvinonetsa vanhu munharaunda. Munhu akadai anovigwa neguri kana chimuti,” vakadaro Mambo Chundu.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×