Varairidzi vekorfball vakapihwa zvitupa

VARAIRIDZI 16 vezvikoro zvakasiyana zvemuHarare svondo radarika vakapihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvekurairidza mutambo wekorfball zveNASH Level One Korfball Certficate pachikoro cheQueen Elizabeth, muHarare.
Zvitupa izvi zvinobatsira varairidzi ava kuti vakwanise kudzidzisa mutambo uyu muzvikoro zvine hunyanzvi.

Varairidzi vakapihwa zvitupa izvi vaibva kuzvikoro zviri kumatunhu anoti High Glen, Glen View-Mufakose, Warren Park-Malbereign neMbare-Hatfield.

Muhurukuro nemunyori mukuru weZimbabwe Korfball Federation, Priscilla Kurebwasekwa, anoti sangano ravo rakatanga kuita zvidzidzo izvi mushure mekunge paitwa chikumbiro chakabva kusangano reNational Association of School Heads (NASH) remuHarare.

Anoti kutanga gore rinotevera, mutambo uyu unenge wave kukukwikwidzwa muzvikoro zvemuHarare saka sangano ravo richabata basa guru kuona kuti vadzidzisi vese vemutambo uyu vapihwa ruzivo rwakadzama kuti korfball isimudzirwe.

“Takakwanisa kupa vadzidzisi 16 zvitupa zvavo zveNASH Level One Coaching Certificate nekuti ndivo vakauya svondo radarika.

“Zvitupa izvi zvakakosha chaizvo nekuti zvinobatsira varairidzi kuti vakwanise kuita basa ravo vaine ruzivo rwakakwana rwemutambo uyu.

“Kutozotanga kwatakaita kupa zvidzidzo izvi inyaya yekuti takakumbirwa neveNASH vemuHarare saka isu ticharova basa sebasa mukupa zvidzidzo izvi sezvo tiri kuda chaizvo kuti mutambo uyu ugotambwe zvakasimba muzvikoro zvemuno.

“Parizvino dunhu reMashonaland Central rakatidana kuti tiende kunoitisa zvidzidzo izvi ikoko saka patichangopedza neHarare totonanga kuMash Central,” akadaro Kurebwaseka.

Svondo rino, sekutaura kwaKurebwaseka, sangano ravo richange richishanda nematunhu anoti Epworth-Tafara, Northern Central pamwe neChitungwiza.

“Kutanga kwegore rinotevera, tinotarisira kuti tichange tave kuronga mitambo yemuzvikoro zvakasiyana pamwe nemapurovhinzi,” akadaro Kurebwaseka.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×