Varapi vechivanhu nehutsanana

Sekuru Mutanga
Sekuru Mutanga

VARAPI vechivanhu pamwe nevekumakereke vanokurudzirwa kuti vaite basa ravo zvine hutsanana nedonzvo rekudzivirira kupararira kwezvirwere.

Kurudziro iyi yakaitwa nerimwe godobori rine mukurumbira, Sekuru Elisha Mutanga, vanove nhengo yesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha).

“Imba inorapirwa varwere inofanira kunge yakachena kuitira kuti vasatapurirwe zvimwe zvirwere apo vanouya kuzorapwa. Panofanira zvakare kuve nezvimbuzi zvakakwana nepekugezera uye mvura yakachena yekunwa sezvakangoitawo muzvipatara nekuti hondo huru ndeye kubatsira murwere kuti apore,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti kuZinatha vane mazuva avanoita misangano yekufundisa varapi vechivanhu nevemachechi nyaya dzekushambidzika uye vari kuona shanduko huru kana zvichienzaniswa nemakore adarika apo vaitarisirwa pasi.

“Kuburikidza nemisangano yatinoita, varapi vazhinji vave kuziva zvinodiwa munyaya dzeutano. Kare-kare n’anga yaionekwa ari munhu ane tsvina, aine vhudzi risina kukamwa asi iko zvino vanaambuya nanasekuru vedu vanogadzirwa misoro vachipfeka mbatya dzakanaka.

“Tinovafundisa zvakare kuti magaba avanoisira mishonga haafaniri kunge ari aya avanongonhonga mumabhini, asi anototengwa muzvitoro nekuti mishonga iyoyo inonwiwa nevarwere. Huchapa hunoita kuti murwere apedzisire ave nemanyoka.”

Sekuru Mutanga vanoti vanofundisawo nhengo dzavo kubata varwere zvakanaka.

“Varapwa vedu tine magwaro atinonyora nhoroondo yekurwara kwavo kuitira kuti pavanodzoka hatizodzokorori kuvapa mishonga yatinenge takambovapa. Marekodhi anobatsira kuti tione kuti varwere vari kupora here uye zvirwere zvinenge zvichinyanya kutambudza vanhu vakawanda panguva iyoyo kuti tikwanise kuita ongororo nenguva,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti vasati varapa murwere, vanomubvunzawo kana aine mimwe mishonga yezvirwere zvakasiyana yaanenge achinwa kuitira kuti vasazomupa mishonga inomukanganisa.

“Varwere vanenge vaine HIV neAIDS vamwe vanotitsanangurira kuti vari kutora maARVs. Saka zvinotibatsira kuti tisavape mimwe mishonga inozokanganisa mashandiro emishonga yavanenge vachitora. Tinochengetedzawo muhana mamiriro anenge akaita varwere vedu nekuvabata zvakanaka kuti vasave vanosangana nenyaya dzerusarura munharaunda dzavo nekuvakurudzira kuti vange vachiwaniswa kudya kwechivanhu kunovaka muviri nekudzivirira zvirwere.”

Vanoti vanoshandisa magirovhosi kuti pasave nekutapurirana kwezvipwere pakati pemurapi nemurwere.

“Ini ndisati ndapinda munyaya dzechivanhu ndakange ndiri mukoti weHurumende. Saka ndinoziva nyaya dzekushambidzika idzi. Kana ndichicheka nyora kumurwere ndinopfeka magirovhosi uye reza dzatinoshandisa tinodzipisa kana kudzikanda muchimbuzi.

“Hatishandisire varwere reza dzakamboshandiswa saka iyi ndiyo dzidziso yatinoda kuti inge ichitekeshera kuvamwe varapi,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti nekuda kwekushaya rutsigiro rwemari, vamwe varapi vechivanhu vari kuwanikwa vari kubatsira varwere mukamuri yemba imwe chete inova yavanenge vachirara uye pasina zvimbuzi nemvura inomhanya izvo zvinogona kuisa upenyu hwavo parumananzombe.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×