Varidzi vemashabhini vakasungwa

Muchaneta Chimuka —
VANHU vana vekuBeatrice, avo vakazama noto nekutsvaga mari kuburikidza nekutengesa doro rakasiyana — kusanganisira kachasu pashabhini asi vasina rezinesi rekuita bhizimisi iri, vakazochechuka vamiswa mudare redzimhosva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Corts, Oliver Mudzongachiso, akapa vasungwa vanoti Steve Chipazvi (36), Pardon Nengomasha, Sheila Ziwira naIrene Katabvu (22) vose vanogara kuGilston Farm, kuBeatrice — chirango chekubvisa faindi ye$80 uye kukundikana kwavo vaizonogara mujeri kwemazuva makumi maviri pamumwe nemumwe wavo.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti munguva dzemanheru nomusi wa4 Kubvumbi gore rino, vana ava vakasungwa nemapurisa apo vaitengesa doro pamashabhini munzvimbo dzakasiyana.

Chipazvi akawanikwa nemapurisa achitengesa doro raisanganisira remhando yeCastle, Soldier wisky nemasikadhi.

Nengomasha aitengesa kachasu nemasikadhi, avawo Ziwira naKatabvu vaitengesa Pilsner nemasikadhi zvakare.

Vasungwa ava vakange vasina marezinesi ebhizimusi rekutengesa doro zvikaita kuti vasungwe.

Vose vakabvuma mhosva dzavo vachiti vaitengesa doro iri senzira yekutsvaga chouviri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×