‘Varimi rimai mbeu dzinoshingirira muzuva’

Kingstone Mapupu
VARIMI vakakurudzirwa kuti varime mbeu dzinoshingirira muzuva uye kuti vashande zvizere nevarimisi vavo vekumatunhu akasiyana mumwaka wezhizha uno nedonzvo rekuti nyika iwane maguta. Kurudziro iyi yakapihwa naVaDenias Zaranyika avo vanove managing director wekambani huru inouchika mbeu munyika muno yeSeed Co.

“Goho guru ndiwo mushonga chete wekupedza nzara munyika, hakuna chimwe. Isu redu basa takaita takapedza, mbeu yedu izvozvi yakazara muzvitoro zvose munyika iyo takatanga kuiendesa kumativi ose enyika mumwedzi waChikumi naChikunguru. Tinoti zvakare ivo varimi vashande zvizere nevarimisi vachinzwa mashoko emamiriro ekunze nguva nenguva,” vakadaro VaZaranyika.

“Varimi vedu ngavarime mbeu dzinoshingirira muzuva dzakaita seTsuro, Tsoko neMbizi asi kana vachionawo kwakawanda mvura kwavari vorima Shumba neNzou nekuti tinoda kuti nyika igute,” vakadaro.

VaZaranyika vakati zvakakosha kuti varimi vaite gadziriro dzavo nguva ichiripo uyewo nekuendesa ivhu ravo kuti rinoongororwa nenyanzvi kuitira kuti vagoziva zvinoda minda yavo.

“Imwe nyaya yakakosha kuziva nguva yekudyara nenzira dzinodiwa, kudzivirira zvirwere muzvirimwa nekubvisa sora,” vakadaro.
“Varimi vedu vanofanirwawo kugara vachienda kumisangano yezvekurima kuti vafambirane nenguva.”

Zvakadaro, Seed Co yakabatsirawo mhuri dzakatsvirwa nemisha svondo rapera pamberi kupurazi rekuRumanda kana kuti Mandebvu Stapleford kuMt Hampden nematani maviri echibage uyewo nekumwe kudya kwakasiyana.

Moto uyu, uyo usina kuzivikanwa kuti wakatanga sei, wakauraya amai nemwana ndokupisa dzimba dzakwanda zvakaita kuti vanhu 153 vasare vasina pekugara.

VaZaranyika vanoti vakavakidzana nepurazi iri nekudaro vakaona zvakakodzera kuti vape rubatsiro urwu sezvo vachiwanawo vashandi kubva munzvimbo iyi.

“Taronga tikaona zvakakodzera kubatsira vanhu ava, takatanga nekubatsira panhamo yevaviri – amai nemwana wavo – vakatsva nemoto uyu ndokuzopawo mhuri dzose matani maviri echibage apo imba yoga-yoga yakawana masaga maviri echibage ema50 kgs,” vakadaro. Seed Co yakapawo zvakare mhuri idzi zvimwe zvinhu zvinosanganisira hupfu, matemba nebhinzi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×