SVONDO rino tine nyaya mbiri dzinosuwisa zvikuru idzo dziri pamusoro pevanhukadzi vanoita mabasa echipfambi. Idzi inyaya dzinoti yemumwe mukadzi anonzi akatiza vana vake ndumurwa achivasiya vaine musikana webasa iye achienda kunoita zvehunzenza kuMozambique.Mudzimai wekuMufakose uyu anonzi akatiza vana vanoti ane makore matatu neane makore masere ekuberekwa uye akavasiya nemusikana webasa uyo ane makore 18 vasina kana pekutangira.
Sekutaura kwemusikana uyu, mukadzi waanoshandira asati aenda kuMozambique akasiya amuvimbisa kuti achazenge achitumira mari yekudya pamwe neyekubhadhara rendi yemba yavanogara izvo zvinova zvisiri kuitika.
Musikana uyu anoti ave kutopona nekupihwa zvekudya nevane tsiye nyoro pamwe nezvimwe zvikomba zvemudzimai uyu izvo zvinomuisa panjodzi yekugona kumbunyikidzwa panyaya dzepabonde kuitira kuti awane chouviri.
Nyaya yechipiri ndeyemusikana wekuGlen Noah A, uyo akambobuda mubepanhau rino nguva yadarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvave kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe murume waasingazive.
Musikana uyu akazosununguka mwanakomana uyo asiri kuzivikanwa kuti akamuendesepi.
Sekutaura kwatete vemusikana uyu, akabva pamba aine mwana uyu apo akashanyirwa neshamwari dzake dzaanoita nadzo mabasa echipfambi asi ndokuzodzoka mushure memazuva mashoma asisina mwana uyu.
Musikana uyu anonzi ari kungotsika-tsika asingataure chaiko kwaakasiya mwana uyu uye pane fungidziro huru yekuti anogona kunge akamuuraya kuitira kuti aite mabasa ake echipfambi akasununguka.
Nyaya mbiri idzi dzinorwadza zvikuru kuti kune vari kutoita zvedambe nevana avo vari kutsvagwa nevamwe muwanano nemeso matsvuku.
Kune mamwe madzimai ari kudyiswa zvinoyera nemaporofita pamwe nen’anga mushure mekunge mbereko yanetsa vachinzi ndizvo zvinoita kuti vabate pamuviri asi pasina chinobuda.
Svondo rino pane imwezve nyaya yekuHighfield, muHarare, yakabuda panhepfenyuro yeStar FM yekasvava kanonzi kakaonekwa kakapiswa asi hazvisi kuzivikanwa kuti zvakaitwa nani.
KuHighfield zvakare, svondo rapera pamberi, vashandi vekanzuru yeHarare vakashevedzwa nevagari veko mushure mekunge vaona kasvava mumapombi anofambisa mvura yemasuweji ayo akange avharika nekuda kwekasvava aka.
Mwana wose ane kodzero yekurarama zvakanaka paine rudo rwevabereki.
Semaonero edu, zvakanaka kuti vanhukadzi vasaite pamuviri pasina kurongeka sezvo panopedzisira pave nematambudziko akaita sekubvisa nhumbu zvinova zvine njodzi kana kuzouraya kasvava kanenge kazvarwa inova mhosva huru pasi pemitemo yemuZimbabwe.



