Varimi vechibage vanoda kubhadharwa nenguva

Neisha Mhaka
VARIMI vanoti vanotambira nemufaro mutengo mutsva wechibage uyo wakaziviswa nedare reCabinet uye vari kukurudzira dura guru renyika reGrain Marketing Board kuti ringe richivabhadhara mari yavo nenguva kuitira kuti vakwanise kugadzirira kurima mwaka unotevera.

Cabinet nguva pfupi yadarika yakawedzera mutengo wechibage kuenda pa$1 400 patani imwechete.

Kazhinji, GMB inotarisirwa kuti ibhadhare varimi vanenge vaendesa chibage chavo mukati memazuva manonwe kusvika gumi nemana – asi nekuda kwekunetsa kwemari – pakati pezvimwe zvikonzero, vamwe varimi vari kunonoka kubhadharwa mari yavo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) VaWonder Chabikwa vanoti vanotambira nemufaro mutengo mutsva wechibage.

“Mutengo uyu unokwikwidzana nemimwe yemudunhu rino, asi tichitarisa mitengo yezvinoshandiswa nevarimi, taida mutengo wakadarika apa waigona kubatsira zvakanyanya,” vanodaro VaChabikwa.

“Tinotambira nemufaro mutengo mutsva wechibage. Chasara kuti GMB ibhadhare varimi mari yavo nenguva nekuti vanoda kutenga zvekushandisa mumwaka unotevera.”

Zimbabwe Farmers Union (ZFU) executive director, VaPaul Zakariya, vanoti pane mifungo yakasiyana maringe nemutengo wechibage apo vamwe varimi vari kuona sekuti mutengo uyu wakadzikiswa kuenda paUS$240 kubva paUS$390 patani imwechete.

“Vamwe varimi vari kufananidza mutengo uyu nemaUS$ nemutengo wavaibhadharwa gore rapera, uyo waive US$390, zvakaona uchidzikira,” vanodaro. Zvisinei, vanoti idanho rakanaka rakatorwa neHurumende rekubhadhara chibage zvichienderana nehukoshi hwemaUS$ kana zvichienzaniswa nemaRTGS$ avo vaibhadharwa nawo mwaka wadarika.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti GMB ibhadhare varimi mari yavo nenguva.

“GMB inofanira kunge yagadzirira kusvika parizvino uye yave nemari yekubhadhara nekuti mari irimo mumusika, saka varimi vanotarisirwa kubhadharwa nenguva,” vandoaro.

Mukushi wemashoko kuGMB — VaJoseph Katete — vanoti vari kuedza zvose zvavanokwanisa kuti vabhadhare varimi vanenge vaunza chibage chavo nenguva.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *