Varimi vedonje vorumbidzwa

HURUMENDE yopembedza zvikuru varimi vedonje vari kumatunhu anosanganisira Gokwe nekurima nemazvo chirimwa ichi chinova chiri kuunza mari yekunze zvisinei nematambudziko akasiyana ari kusanganikwa nawo.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pazuva rekumemwa kwemuzinda unogaiwa donje weGokwe Cotton Ginnery, kuGokwe, gurukota reHurumende mudunhu reMidlands – Cde Owen Ncube – vanoti Gokwe inzvimbo ine mukurumbira wekurima donje.

“Chikamu che50 percent chedonje rinowanikwa munyika rinorimwa mudunhu reGokwe North neSouth. Izvi zvinoratidza kuti vagari venzvimbo idzi vanoshanda zvikuru zvinova zviri kubatsira mukusimudzira upfumi hwenyika. Kusimukira kuri kuita dhorobha reGokwe kunobva zvakare muchirimwa chedonje,” vanodaro.

Cde Ncube vanoti vanotenda zvikuru hutungamiri hwenzvimbo iyi hwakadai semadzishe ayo anogarokurudzira varimi kuti varambe vakasimba mukurima donje kunyangwe munguva iyo zvinhu zvinenge zvakaoma munyaya dzezvekushandisa mukurima zvakadai semishonga, feteraiza uye kuderera kwemitengo mumisika.

Cde Ncube vanoti Hurumende iri kugadzirisa matambudziko akasiyana akatarisana nevarimi vefodya.

Vanoti vanotenda zvikuru kambani yeCottco nekugadzira kwayakaita muzinda wedonje wemhando yepamusoro.

“Ndinokurudzira madzishe kuti vafundise vanhu vavo kuti vasazotengesa donje nerweseri izvo zvinoderedza chimiro cheHurumende. Hurumende ndiyo iri kutsigira zvirongwa zvekurima ichipa zvekushandisa,” vanodaro.

VaPious Manamike vanova managing director wekambani yeCottco vanoti nzvimbo yeGokwe yava nemabhizinesi ari kusimukira zvikuru zvichitevera kutengeswa kwedonje.

“Tine vechidiki vanosvika 3 500 vemuGokwe avo takapa mabasa mumwaka wekutengeswa kwedonje. Tine tarisiro yekuti tinge tichizogadzira zvinhu zvakasiyana muno zvinobva mudonje senzira yekusimudzira kuwaniswa kwemabasa,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *