Varimi vefodya vodzikira: timb

SANGANO reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) rinoti kusvika parizvino varimi vanyoresa kurima fodya mwaka uno vave 57 492 vanove vakadzikira zvikuru kana zvichienzaniswa ne76 545 vakange vanyoresa panguva imwe chete iyi gore rapera.

Chamangwiza weTIMB, Dr Andrew Matibiri, vanoti pavarimi vakanyoresa ava vatsva vanosvika 9 983 kana zvichienzaniswawo zvakare ne15 278 vakange vanyoresa mwaka wadarika.

Vakayambira varimi kuti vazive zvavanotarisirwa kuita kuti vakwanise kunonyoresa neTIMB kuti varime fodya.

“Fodya haingorimwa sezvimwe zvirimwa iyo inofanirwa kuti murimi aende kunonyoresa neTIMB opihwa inonzi growers number iyo anoshandisa kurima fodya nekunoitengesa.

“Magwaro anodiwa kuti murimi aende kunonyoresa anosanganisira tsamba inobva kuvarimisi venzvimbo yavanogara kana kuna mambo, kanzura nevamwewo vatungamiri inorakidza kuti ane munda uyewo nekuti achazoda kurima fodya mumunda wakatandavara zvakadii.

“Murimi akadaro anobva apihwa gwaro rekurima fodya iri pane kuzotanga kutsvaga vane gwaro iri ave kuda kutengesa zvinoita kuti abirwe mari yake nekuti kana usina nhamba iyi haukwanise kutengesa fodya,” vakadaro Dr Matibiri.

Zvakadaro, varimi vadiki vekumaruwa vanorakidza kuti ndivo vakawanda vakanyoresa kurima fodya mwaka uno avo vanokwana 27 534 vachiteverwa nevakagariswa patsva neHurumende veA1 vanosvika 20 961. Varimi vemaA2 vanyoresa kurimawo fodya kusvika parizvino vanokwana 4 584 kozotiwo vemapurazi madiki vari 4 413. Zvakadaro, kune varimi vefodya vakatodyara fodya yavo yatokura iyo inotarisirwa kutemwa pamwe nekupiswa mukupera kwemwedzi waZvita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *