Vakaremara vakabatsirwa nezvekurimisa

MUKURU wemadzishe kudunhu reMashonaland East, Mambo Musarurwa, VaEnos Masakwa, nguva pfupi yadarika vakabatsira vakaremera mitezo nembeu yechibage ndokuvimbisa kuvapawo fetereza nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

Rubatsiro urwu rwakapihwa kuChivhu pagungano rekupemberera makore 20 Mambo Mutekedza, VaAndrew Zhakata (23), vari pachigaro chehumambo. Mambo Musarurwa, avo vanova nhengo yedare reSenate zvakare, vakabatsira vanhu vakaremara mitezo vanosvika 150 nembeu yechibage. “Ndinonzwa kurwadziwa zvikuru nekuti kune vamwe vanofunga kuti kuremara kukundikana zvachose muupenyu, tinavo mudzimba vanhu ava vane zvipo zvavo zvakasiyana saka ngativabatsirei vazviburitse pachena vabatsire nyika nematunhu atinogara. Mukati mavo mune vadzidzisi, vanamakanika nedzimwe nyanzvi saka nhasi ndavabatsira nembeu sezvo mvura yave kunaya,” vakadaro.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vave nemwoyo wekubatsira vakaremara mitezo. “Hatiregei kuzoguma (kutora nechitsotsi) mbeu yatabatsira nayo vanhu ava yave kutengeswa nerweseri nehama ivo vasingazive. Nhasi ndaunza mbeu asi chivimbiso changu kuti fetereza yacho iri kutevera mbeu iyi,” vakadaro.

Mambo Mutekedza vakarumbidza zvikuru danho rakatorwa naMambo Musarurwa vachiti zvinoita kuti vakaremara mitezo vazive kuti vanoyeukwawo.

“Ikurudziro yangu kuti isu madzishe nemadzimambo tipote tichiyeuka vakaremara ava mune zvose zvatinoita,” vakadaro.

Mudzviti weChikomba, VaClemence Masawi, vakarumbidzawo danho rakatorwa iri rekuwaniswa mbeu nefetereza kuvanhu vakaremara. Pachiitiko ichi paivewo nevemasangano anomirira vakaremara mitezo mudunhu iri vanosanganisira VaJoseph Hwata (41) vanova mutevedzeri wasachigaro nemunyori Maxwell Juta (45) avo vakatenda zvikuru Mambo Musarurwa nekuvayeuka.

“Kune vane pfungwa yekuti munhu akarema haana basa asi Mambo Musarurwa varakidza vose vari pano kuti takangoenzana navo nekuti tinofema mweya mumwe chete unobva kuna Mwari wedenga. Chishuwo chedu chekuti kudai vatungamiri vose vakatevedzera mucherechedzo uyu,” vakadaro VaHwata.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *