Varimi vehove vodzidziswa

Nyasha Mapasa
MAZANA nemazama evarimi vanopfuya hove vari kumativi mana enyika vobatsirikana zvikuru nechirongwa chiri kuitwa nesangano rakazvimirira rePractical Action chekuvadzidzisa kugadzira chikafu chehove kubva muzvirimwa zvavo zvichitevera kudhura kwachiri kuita kuzvitoro zvakasiyana zvinotengesa chikafu chezvipfuyo.

Vamwe vevarimi vari kubatsirika pasi pechirongwa ichi ndevekwaMutasa, kudunhu reManicaland avo vasimukira zvikuru hupenyu hwavo.

Maneja wePractical Action kwaMutasa, VaGift Dzitiro, vanoti varimi vanokwanisa kushandisa chikafu chinobva muzvirimwa zvavo kupa hove dzavo icho chinongoshanda zvimwechete nechinotengwa kuzvitoro zvinotengesa zvekudya zvezvipfuyo.

“Tiri kutsvaga vanoda kubatsirana nesu mukugadzira chikafu chehove munharaunda dzakasiyana. Chikafu ichi chinowanikwa nyore sezvo chichibva muzvinhu zvinowanikwa munharaunda,” vanodaro VaDzitiro.

Vanoti vakatotanga kudzidzisa varimi magadzirirwo echikafu ichi vachishandisa zvirimwa zvakasiyana.

“Takatotanga kudzidzisa varimi kuti vashandise chikafu chehove chisinganetsi kuwana uye varimi vanokwanisa kushandisa atinoti ma’aquaponics’ apo vanotora mbesa yemuriwo vachiisa mumafish pond kuti hove dzidye.

Takavadzidzisa zvakare kuti vanochengeta sei mahwemisi (red worms) uye nekurima mimwe miriwo yakadai selettuce yekupa hove dzavo kuti dzidye,” vanodaro VaDzitiro.

Vanoti zvakakosha kuwedzera huwandu hwehove dziri kupfuiwa munyika parizvino.

“Hove dziri kudiwa zvikuru muno nekudaro hatizi kukwanisa kuti titengese dzimwe kunze kwenyika nekudaro tinofanira kuwedzera huwandu hwedzatiri kupfuya kuti tigokwanise kutengesa kunze,” vanodaro.

VaDzitiro vanoyambira varimi kuti vatore matanho ekuchengetedza hove dzavo kuti dzisadyiwe neshiri kana kubiwa nevamwe vanhu.

“Ndinokurudzira varimi kuti vashandise mambure kana makeji kuitira kuti vasarasikirwe nehove dzavo nenzira dzakasiyana.

“Varimi vanogona kurasikirwa nehove dzavo kuburikidza nekubirwa nevanhu, kudyirwa neshiri kana nekamba. Dambudziko riri pakuti varimi vanowanzorasikirwa apo hove dzavo dzinenge dzichiri diki, saka zviri nani kudziisa mumakeji vanodzibvisa vave kuisa mumafish pond kana dzakura,” vanodaro.

Practical Action yagara ichitsigira varimi vanosvika 200 vekwaMutasa kubvira mugore ra2015 pasi pechirongwa cheLivelihoods and Food Securing Programme (LFSP).

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×