Varimi vekuMvuma vakadzidza

Ronnie Chigombe naCaristo Masiwa
NEMUSI wa22 Chivabvu 2019 varimi vekuWard 12 munzvimbo yeChiodza, kuMvuma, mudunhu reMidlands, vakashanya kuRattray Arnold Research Station nekuStapleford kunova kunoratidzirwa mbeu dzinouchikwa nekushambadzwa nekambani yeSeed Co.

Chinangwa chavo chikuru chaiva chekunodzidza nekuona mbeu dzemhando dzakasiyana dzechibage, dzetsanga diki nedzemubindu idzo dzinouchikwa nekushambadzwa neSeed Co kuti vagone kuziva nekutenga mbeu voga uye varege kutengeserwa nevashambadzi vembeu.

Kushanya uku kwakarongwa neboka revarimi vekuChiodza vachibatsirwa nemudhomeni wavo, VaChiwawa nemukuru wevarimisi vedunhu rekwaChirumanzu, VaMasiiwa. Vakabatanidza mari dzavo ndokuhaya kombi kuti vanodzidza nekuzvionera pamhino sefodya mbeu – zvikuru dzechibage, mapfunde, soyabeans, sugarbeans nedzemubindu dzinosanganisira miriwo yakasiyana-siyana semacabbages, rape, butternuts, madomasi nedzimwewo dzinorimirwa usavi nekutengesa.

Vaidawo kuwana mukana wekudzidza nekubvunza mbeu dzinoenderana nenzvimbo yavo uye dzinotivirira mwaka unenge waita mvura shoma semwaka wa2018/2019. Vaida zvakare kudzidza nezvembeu dzemiriwo dzinovapawo kudya zvose nemari.

Chikwata chevarimi gumi nevanomwe (17) chaisanganisira madzimai matatu nevarume gumi nevana (14) ichi chakatanga nekuRatray Arnold Research Station. VaChigombe, vanova mushambadzi wembeu dzeSeed Co (sales agronomist vanobata matunhu ekuchamhembe kwenyika ayo anosanganisira Midlands) vakatambira chikwata ichi paRattray Arnold panova panoratidzirwa mbeu dzinouchikwa neSeed Co. Ivo neboka ravo revashambadzi nenyanzvi dzekuuchika mbeu vakawana mukana wekukurukura nevarimi vachivaonesa mbeu dzechibage, mapfunde nemupunga. Varimi vakabvunza zvizere uye nekuona hunhu hwembeu dzakasiyana dzinowanikwa kuSeed Co.

Varimi vakadzidza nezvembeu dzechibage dzinowanika mumipanda inoti Tsuro yemwaka unokurumidzisa, Tsoko yemwaka mupfupi-pfupi, Mbizi yemwaka mupfupi, Shumba yemwaka uri pakati nepakati neNzou yemwaka wakareba. Vakaudzwa nezvegoho nemaitiro embeu dzinowanika mumupanda mumwe nemumwe semuenzaniso, Mbizi mupanda unowanika mbeu dzeSC513, SC529 uye SC533. Vakadzidzazve pamusoro pembeu dzakaburwa gore rino neSeed Co dzinoti SC303, SC419, SC529 neSC649.

Varimi vakadzidzazve nezvehuwandu hwembeu hunokurudzirwa pandima hunogona kuderedza kana kukudza goho ravo. Vakadzidza kuti kurima mbeu yechibage zvinoenderana nematunhu uye munairo wemvura nekusimba kwevhu uye kuti vane madiridziro here nekutizve mbeu ndeyemwaka mupfupi kana murefu zvakadii uye kuti murimi  anogona kuisa mbeu zviuru makumi mana nemana (44 000 plants/ha) kusvika pamakumi mashanu nezvishanu (55 000 plants/ha) pahekita imwe kuti abate goho rakanaka.

KuStapleford varimi vakadzidza nezvembeu dzinorimwa mubindu dzinosanganisira miriwo yakasiyana-siyana semakabhichi, rape, madomatsi, hanyanisi nemabutternuts nedzimwewo dzinorimirwa kuwanisa mhuri zvinovaka muviri uye kutengesa kuti vawane chouviri nepunduso mubasa ravo. Varimi vakawana nguva yekubvunza nekutsanangurirwa zvizere murimirwo wembesa idzi.

Pakupera kwezuva, varimi vakawana mukana wekutenga mbeu dzemubindu pamuzinda weSeed Co. VaChigombe vakamirira kambani yavo vakatenda varimi nekuvashanyira uye nekutsigira Seed Co. Varimi vakatendawo nekugashirwa kwakanaka nekudzidza kwavakaita. Vakavimbisa kuti vacharonga makwikwi muboka ravo kuruwa rweChiwodza ekurima mbeu dzechibage dzinouchikwa neSeed Co dzinoendirana nenzvimbo yavo vachiti vaizokokawo vamiririri vekambani iyi pamabiko aya. Vakatizve vachabatana pakutenga mbeu vachizobatsirwa nemushambadzi anobata dunhu ravo kuti vagone kuwaniswa mbeu yavanoda chaiyo nenguva kuti vabate mwaka.

Mukuru wevarimisi kwaChirumanzu, VaMasiiwa vakatsinhirawo kuti varimi vakakoshesa zvavanga vadzidza vanozogona kutenga mbeu yavanoda iyo inoendirana nenzvimbo yavanorima vari uye inoshingirira muzuva zvinova zvinozovapa pundutso. Varimi vakakurudzirwa kuti vatenge mbeu dzavo muzvitoro zvine marezinesi ekutengesa mbeu uye kuti vashandise mbeu dzakauchikwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *