Varimi venyuchi voita musangano

VARIMI vanopfuya nyuchi pasi rino vachange vaine musangano mukuru unove wekutanga kuitwa muZimbabwe wekupangana mazano pamusoro pezvavangaite mukuvandudza basa ravo.
Musangano uyu, uyo uri kushevedzwa kuti Api Expo Africa 2014, uchange uchikotsverwa nesangano reBeeKeepers Association of Zimbabwe (BKAZ) uye uchapindwa nevarimi vanopfuya nyuchi kubva munyika dzemuAfrica dzose nedzimwe dzemhiri kwemakungwa.

Gungano iri richatanga musi wa6 Gumiguru kusvika 11 uye musangano uyu uchange uine dingindira rinoti “Kupfuya nyuchi nekusimudzira upfumi muAfrica,”.

Munyori kusangano reBKAZ, Mai Jacqui Gowe, vanoti vari kutarisira kuti musangano uyu uchapindwa nevarimi vanodarika 2 000.

“Basa rekupfuya nyuchi ibhizimisi pacharo rinofanirwa kucherechedzwa semamwe mabasa ose saka isu tinoda kushandisa musangano uyu kusimbaradza hwaro hwedu hwekupfuya nyuchi apo tichasara tava neruzivo rwese paunopera,” vakadaro Mai Gowe.

“Huchi hakusi kungoisa mukoko womora wochengeta huchi mumba mako, mune zvakawanda zvinogadzirwa kubva mahuri zvakonzera dzimwe nyika kuita makambani akawanda zvikuru kubva mubasa iri.”

Vanoti kune nyanzvi dzichabva kunyika dzine mbiri yekupfuya nyuchi dzakaita seEthiopia, Uganda, Zambia neTanzania.

“Kuburikidza nemusangano uyu tinodavira kuti tichabatsirikana sezvo nyika yedu iri pasi zvikuru munyaya dzekupfuya nyuchi kana tichienzanisa nedzimwe muno muAfrica,” vakadaro.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×