Varimi vosimudzirwa

Kingstone Mapupu
NHENGO yebato reZANU-PF ichangobva mukusarudzwa kumirira dunhu reMudzi North mudare reNational Assembly – Cde Newton Kachepa – vanoti vane zvirongwa zvakasiyana zvavari kuita zvekusimudzira varimi zvinosanganisira nyaya dzemadiridziro, kupfuva huku pamwe chete nembudzi.

Vanoti sezvo dunhu reMudzi richizivikanwa nekupisa uyewo nekusanaya kwemvura zvakanaka zvinoita kuti vanhu vagare vaine nzara vachitadza kukohwa zvakanaka muminda yavo nekudaro vane zvirongwa zvekurima varimi vachidiridzira izvo vanoda kuvandudza.

“Dunhu redu hariibve zvakanaka munyaya dzekurima idzi, mvura inonaya shoma kuno uyewo mimwe minda yedu ine matombo zvikuru erukangarahwe. Saka ndine hurongwa hwekushanda zvakasimba nevemapazi anoona nezvekurima kuti tione kuti minda yemadiridziro yasimudzirwa muno uyewo nekuti tirime mbesa dzinoshingirira muzuva dzakaita semhunga, mapfunde nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Vanoti varimi vemudunhu ravo vanofanirawo kurima dzimwe mbesa diki dzakadai sebhinzi nenyemba.

“Tine varimisi muno veHurumende nevemamwe masangano akasiyana vari pasi peWorld Vision avo tiri kushanda navo kuti tive neminda yemadiridziro yakawanda kuti tirime tichiguta,” vanodaro.

Madiridziro aya vanoti mvura yacho ichadhonzwa kubva muzvibhorani nemumigodhi yakatsaukana.

Mamwe emadiridziro agara ariko kare mudunhu iri anosanganisira Dendera Irrigation Scheme iyo varimi vanotora mvura kubva mudhamu reDendera. “Varimi vemuminda iyi vane mapindu avanorima zvirimwa zvakasiyana zvinopa ruwomba zvakaita sematomatisi, muriwo, mabanana, mbambaira, derere nezvimwe izvo zvimwe vanotengesa vachizviwanira mari nekudyawo,” vanodaro.

Zvakadai, Cde Kachepa vanoti vachangobva kupedzisa kuvakisa madhibhi anosanganisira reVhombozi neRukonde kuitira kurerutsira varimi kuti vasafambe nzendo ndefu kunodhibhisa mombe dzavo.

Vanoti vane zvirongwa zvakasiyana zvakadai sekupfuya huku, nguruve nembudzi zvavari kuita nedonzvo rekusimudzira vechidiki nemadzimai mudunhu ravo.

“Tine zvikwata zvemadzimai nevechidiki izvo takaumba kuti tipfuye mbudzi idzo dzinopa mari nekukurumidza uyewo nguruve nehuku. Mbudzi idzi dzatovako kare dzatiri kumirira kuti tizopa kuzvikwata zvakaumbwa kare zvemadzimai nevechidiki kuti upenyu hwavo husikumukire,” vanodaro.

“Tiri mhuri imwe chete, tagara tichishanda tose zvakanaka pasina anosundidzira kana kutswiny’a  mumwe,” vanodaro Cde Kachepa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *