Varimi votadza kushandisa mvura

Kingstone Mapupu
KUDUNHU raNemamgwe, kuGokwe kune mvura inonzi yave nemakore akawanda ichingodhubhuka kubva pasi ichiyerera isina mabasa ebudiriro ainoshandiswa sezvo inonzi ine munyu uye inopisa zvinoita kuti isakudze zvirimwa zvisinei nekuti dunhu iri rinogara rakatarisana nenzara nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Mvura iyi inobuda munzvimbo yakatevedza rwizi rwaGwaze uye painodhubhuka pakatoiswa pombi kuitira avo vanoda kuishandisa mabasa akasiyana.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaMuketiwa Mutsvanga (48), vanoti mvura iyi yava nemakore akawanda ichingobuda saizvozvi pasina zvainoshandiswa.

“Mvura iyi inobva pasi uye inongobuda nguva yoga-yoga pasina kuti muchirimo kana kuti izhizha. Vanhu vanotora zvavo yekuvakisa nekuitisa zvimwewo vamwe vachitogeza mbatya dzavo. Hakuna anorima nayo kuita madiridziro nekuti tinonzwa kuti zvirimwa zvacho hazvikure nekuti ine munyu wakawanda uyewo inopisa,” vanodaro.

Vanoti dunhu reGokwe harinaye mvura zvakanaka nekudaro kudai vanhu vagere munzvimbo iyi vachiishandisa mukurima mbesa dzakasiyana vachiita zvekudiridzira.

“Nguva isinganaye mvura munotoona zvimwe zvirimwa zviri padyo nemvura iyi zvichitsva kutopunzika pasi. Hapana kana zuva rimwe chete rainomira kubuda,” vanodaro VaMuketiwa.

VaVictor Nemangwe vanova gurukota guru raMambo Nemangwe vanoti mvura iyi inogara ichitaurwa nezvayo nguva dzose kuti ikwaniswe kushandiswa mabasa ebudiriro asi hapana chinofambira mberi.

“Mvura iyi takangokura ichingotubuka pasi apa sezvo ichidziya vanhu vanoenda kunogeza usiku kana masikati pasina kuita mvura yekudziisa, zvekuti ishandiswe kurima nemamwe mabasa ebudiriro zvinotaurwa asi hapana chinobuda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chichemo chekuti mvura iyi tiishandise chinogara chichitaurwa mumisangano yemadzishe nemadzimambo muno, kuchiwiriranwa kuti mvura iyi ishandiswe asi mashoko aya haazadzikiswe.”

Vanoti mapombi anodhonza mvura akangoiswa pazvitubu izvi inosundwa kunosvika kwese kwainodiwa pasina zvinodiwa zvakaita semagetsi kana hinjini zvinoshandiswa.

“Ngatishandisei mukana wesimba remvura inobuda yoga iyi nekuti zvikadaro kuno hakuite nzara, kana kutanga mabhindauko akasiyana,” vanodaro.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×