Juventus yodzora Morata

JUVENTUS iri kuedza kudzora mutambi weChelsea – Alvaro Morata – zvichitevera kutatarika kwaaita mumwaka wake wekutanga kuStamford Bridge.

Chikwata ichi chiri kuda mutambi uyu nechikwereti mwaka unotevera nekudaro chiri kugadzirira kubhadhara mari inosvika 13 miriyoni paunzi uye chine chivimbo chekuzomutenga zvachose.

Mari inozodirwa mutambi uyu inozosvika ku43 miriyoni paunzi kana chikwata chekuTurin ichi chikada kuzomutenga zvachose mugore ra2019.

Alvaro anoda chaizvo kudzokera kuJuventus uko kwaakatambira kwemakore maviri asati aenda kuReal Madrid iyo yakambomudzora mugore ra2016.

Sekutara kweTuttosoprt, maBlues ari kunzi anoda kutenga Edinson Cavani kubva kuParis Saint-Germain sezvo chikwata chekuFrance ichi chichida kugadzirisa mapepa acho maringe nemashandisirwo emari apo chiri kurwisa nyaya dzeFinancial Fair Play.

Izvi ndizvo zvichavhurira Morata mukana wekudzokera kuJuventus, kozoti PSG neBayern zviri kudawo chizvarwa chekuSpain ichi.

Morata akatamba zvinonwisa mvura kuStamford Bridge izvo zvakamuona achinwisa katanhatu mumitambo minomwe.

Kubva ipapo, mutambi uyu akabva atanga kutatarika zvikuru sezvo akazonwisa kashanu chete kubva mumitambo 22 kuchikwata chaAntonio Conte. – SportsMail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *