Varume 2 vafira mudhamu vachiita zvemanjuzu

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vaiita zvekupira mashavi emanjuzu vakafira mumvura mudhamu reClydesdale kuGweru nemusi weChipiri.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vashakabvu ava ndiPhilemon Matavire (46) wekuWoodlands kuGweru nemumwe asati ava kuzivikanwa zita rake nekwaanobva.

“Nemusi uyu zvinonzi varume vaviri ava nevamwe vavo, avo pamwe chete vaikwana gumi nevashanu uye vaisanganisira madzimai gumi nevarume vashanu, vakaenda kudhamu iri kunopira mashavi avo emanjuzu. Varume vaviri ava vakabva vany’ura mumvura vamwe vavo vakatarisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa apo pakabva patumirwa nyanzvi dzinosanganisira dzechikamu cheSub Aqua Unit vakabva vaenda kudhamu iri ndokunonyurura mitumbi iyi.

“Pamitumbi yevarume vakaburitswa ava, paiva newaPhilemon Matavire (46) aibva mumusha weWoodlands kuGweru uyewo newemumwe asati ava kuzivikanwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mudunhu ravo reMidlands maita dambudziko revanhu vanofira mumvura vachinzi vanenge vachiombekana kana kuita zvemanjuzu.

“Nyaya dzemanjuzu dzanetsa kuMidlands, vanhu vari kufira mumvura.

Tinoyambira veruzhinji kuti vasapinde mumadziva kana mumadhamu sezvo vachigona kuny’ura kana kurumwa nezvikara zvemumvura,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *