Muchaneta Chimuka
MAZUVA ano munzvimbo dzekutandarira semuma”night club” mumaguta nemadhorobha, kune vanhu vanoendako — kunyanya vechirume — vachida kunoona vanhukadzi vanenge vachitamba vari musvo.
Panzvimbo yekufambira kunotandara vachidzikisira doro nezvimwe zvinwiwa, kunotova navanababa vemhuri vasingafambire chimwe chete — asi kuti vanenge vachida “kunorwerwa rute” nekuona vasikana vanotamba miviri yavo yakashama.
Mitambo inoitwa nevanhukadzi vanenge vasina kupfeka iyi inozivikanwa nekuti “poll dancing” uye yakatanga nekunyika dzakaita seBrazil, Germany, United States neChina isati yasvika muAfrica.
Iyi mitambo ine zvinangwa zvakasiyana — sekutsvaga mari, kusimbisa miviri nekuvaraidza, pakati pezvimwe.
Asi pasi pemutemo wemuZimbabwe, weCensorship and Entertainments Control Act (Chapter 10:04), imhosva munhu atamba pajekerere ari musvo.
Zvino vamwe vakadzi vave kuzviramba.

Kune madzimai ari mudzimba avo vanoti, “Ko kana zviri izvo bedzi zvinodiwa nevarume vedu, zvavanotitizira kudzimba vachinoona kumabhawa — ivo vasikana vanenge vakashama ivavo — tinogonawo kungoita poll dancing yacho tiri mumba medu.”
Kwayedza svondo rino yakakurukura nevamwe vanhurume nevanhukadzi ichida kunzwa mafungiro avo pamusoro pe”poll dancing”.
Musikana (mwana) anotamba ari musvo senzira yekutsvaga mari kuNorton – uyo anokumbirisa kuti zita rake risaburitswe rese asi kungonzi Fungai (15) — anoti ari kurarama ne ‘‘poll dancing”.
“Kabasa ikaka ndiko kanoita kuti tirarame. Tinoita mitambo yekubvisa hembe – pole dancing iyoyo – munguva dzemanheru uye vanhu vanopinda mumakirabhu atinenge tiri vanotobhadhara mari.
“Mwoyo yedu haifari nazvo asi nhamo ndiyo inotituma. Ini ndiri nherera uye hama dzevabereki vangu dzakaramba kugara neni,” anodaro Fungai.
Mwanasikana uyu anoti akazvipira kusiya zvaari kuita izvi kana akawana munhu anomubhadharira mari yechikoro kana yokuvamba rimwe bhindauko rinomupawo chouviri.
Anotizve kune zvikwata zvevakadzi vanotamba vari musvo munharaunda yavo zvinosanganisira Apple Yard, Marindale, Apple Baby neFlavour Yard. Otaura nezvevarume vanonoona vasikana ava, Craig Moyo (28) wekuMabvuku anoti iye anombopinda mumakirabhu emuHarare achivaraidzwa “nekuyemura zvandinoonamo”.
“Kutaura chokwadi, vanhukadzi vakasiyana ndinozivona ini. Kwatinoenda uku kwakapenga, unosiyana nemukadzi wekumba kana ukada kuzvitevedzera. Munhu anotamba ari musvo kuti twii, uchinyatsoona mukadzi achimonerera papouro (poll) kunge nyoka.
“Fanika akakanda gumbo mudenga, unofunga kuti pamwe haana mabhonzo. Chinonetsa ndechekuti unongosara uchimedzerera mate nekuti vasikana ava vanenge vaine mamamonya avo, hauzotenderwa kumubata.
“Kutaura chokwadi varume vose vanenge varipo vanosara vari pamahwani nekuti unenge wotonzwa kuda zvechopu-chopu,” anodaro Moyo.

Moyo anoti pavanopinda mumakirabhu aya, kumwe vanobhadhariswa mari pagedhi asi kumwe vanongonzi vatenge mapaindi edoro maviri imomo.
“Muridzi wekirabhu ndiye anobhadhara vasikana vanotamba ava kubva pamari yaanowana pakutengeswa kwedoro kana kuti inobhdharwa nevanhu pavanopinda. Asi zvechokwadi vanhu vanouya nehuwandu hwavo uye doro rinotengwa,” anodaro.
Kundai Mambwe (32) anoti madzimai nevasikana vanoita mitambo iyi vanenge vakageza zvinonwisa mvura uye vanotonodzidziswa zvidobidobi.
“Hazvisi nyore, zvinotofundirwa asi ndinoona kuti vamwe varume vanopedzisira vave kushora vakadzi vekumba nekuda kwekuti vanenge votorwa mwoyo netukadzi twutete tunobhururuka mudenga kunge twune mapapiro. Ava vanenge vasina kupfeka, saka ndipo patinoona chokwadi chekuti vakadzi vakasiyana,” anodaro.
Rudo Bundo (24) wemuHarare anoti vamwe varume vanotiza kudzimba vachinoona vakadzi vanotamba vari musvo nechikonzero chekuti vanenge vasiri kubatwa zvakanaka nemadzimai avo.
“Kune vamwe vakadzi vanotonga varume uye vamwe vanorara vakasimira hembe zvekuti murume anotoshuwira kuona munhu asina kupfeka. Zvino kana vakazoenda kumapoll dancers uko zvose zvinenge zvakayanikwa pachena. Unofunga kuti murume angadzoka pakadaro?
“Vamwe varume vanotopedzera shungu dzavo dzose ikoko nekuti vamwe kana vakangoona munhu asina kupfeka, vanotonzwa sekunge vatopihwa zvose. Vanotozongoenda kumba kwavo kunovata bedzi nekuti zvinenge zvavanakira,” anodaro.
Ellen Ncube (35) anoti mamwe madzimai asina kuroorwa anotoendawo kumakirabhu uku kunotsvaga varume vaye vanenge vaomerwa nekuda kwezvavanenge vaona.
“Vazhinji vanopedzisira vawana varume vekugumha mari nekuti kana murume achinge apedza kuona munhu asina kupfeka uye waasingatenderwi kubata, chinotevera chii? Saka mamwe madzimai ane dzimba dzakaparara ndokwavanoenda kunovhima varume,” anodaro.
Anoti rimwe dambudziko rinoitika kumakirabhu aya nderekuti vanhu vanopedzisira vava kuita sekunge mhuka apo vanogona kutoita zvinyadzi pajerekere sezvo pfungwa dzavo dzinenge dzavhiringidzika nezvavanenge vachiona.
“Itori Sodhoma neGomora saka mikana yekutapurirana zvirwere zvepabonde inowanda,” anodaro.
Angel DJ Maria (27) anoti aimboenda kumakirabhu erudzi urwu uye akaona kuti vamwe vasikana vechidiki vari kutorarama upenyu hwepamusoro nekuda kwekuita izvi.
“Zvine mari zvinhu izvi zvekuti vamwe vanotohaiwa kunze kwenyika vachinoita mazimari. Hachisi chipfambi kwete nekuti vamwe vanenge vachitori vakadzi vevanhu vanotoperekedzwa nevarume vavo nekuti kungori kubasa, kunotsvaga mari.
“Kune vamwe vasikana vandinotoziva vakatotenga dzimba nemotokari zvisinei nekuti patsika dzedu vanhu vanozvishora vachiti hazvina hunhu,” anodaro Maria.
Vanessa Tore (21) anoti madzimai nevarume vanotizira kupoll dancing vanenge vobhowekana nekugarisana muwanano. “Kutaura chokwadi muwanano dzimwe nguva munobhowa, zvikuru kana mava nemakore mazhinji machata uye vamwe vanenge vachitofunga kuti vatodzika midzi.
“Kumakirabhu kunovaraidza zvekuti unotombokanganwa nhamo dzose dzenyika nekuti doro, gochi-gochi zvinenge zvizere, vana manjenjenje vari tii. Unotoita kunge uri kuona firimu izvo unenge uri mazviri wakany’ura hako mumafaro,” anodaro.
Mumwewo mukadzi akaroorwa – uyo asingade kudurwa zita rake asi kungonzi Mai B – anoti varume vanorarama kunge pwere. “Ko varume ngavatiudzeka zvavanoda. Kana vachida kuti tivatambire poll dancing yacho tiri tose kumba hapana chakaipa, tinongoiitaka. Zvino ukamuitira izvozvo kumba, unoswera warambwa nekuti vanoda izvozvo zvekubhawa, ndizvo zvinovanakira.
“Sesu vakadzi tinotoda kuti varume vatiudzewo zvavanoda kuti tivaitire pane kuti vangotitiza kudzimba vachinonakirwa nekuona vamwewo vakadzi vari musvo. Asingagone kukatanura hembe ndiani? Tinozvigonawo, kungoti bedzi vanhurume vane hana nhete, vanofarira zvekunze,” vanodaro Mai B.
Kuchitiwo Sekuru Boetie Taradzi (79) vanoshora madzimai anotadza kubata varume vavo zvakanaka, izvo zvavanoti zvinoita kuti vagume vave kutsvaga rudo kunze kwewanano.
“Mudzimai kana ukaroorwa, hauna kuvinga kuzosuka mandiro nekuwacha asi wakavinga kugutsa murume muimba huru. Ndicho bedzi chinhu chisiko kumusha kwako.
“Zvino madzimai emazuva ano anoita hushamwari nendiro kupinda murume, saka kana tikanyanya kusuruwara ndipo patinobuda mumba tichinogutswa naivo vekutamba vasina kupfeka. Tinoguma tahakirana nazvo,” vanodaro Sekuru Taradzi.
VaLast Ndimba (34) vanoti vanomboenda kumabhawa anoitwa izvi kuMabvuku, vachinoona vakadzi ava asi vanozvishora. “Zviya zvinouraya hudokwa-dokwa kwekuda mudzimai wako nekuti zvimwe zvinhu zvatinozoratidzwa ikoko unobvako wave kusema kana kusakoshesa madzimai. Zvinhu zviya zvinongodawo kugara zvakafugidzwa zvochingoonekwa nemurume mumwe chete. Kana zvikayanikwa kudaro tinopedzisira tava kushora kana madzimai edu kumba,” vanodaro.
Kuchiti VaLameck Jamukoko (46) vanoti:
“Ndingabhadhara kirabhu yekunoona mukadzi asina kupfeka kuti ndinopenga here? Ini handioni vakadzi sevanhu vakasiyana, saka ndinongovimba newangu wandinaye kumba.
“Ndinozviisirei hangu pamiyedzo yekunobhadhara mari yekuona marara akadaro?”
Sekuru Friday Chisanyu, vanova nyanzvi yezvechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZINPA), vanoti chiRungu chakauya nechirungurira.
“Ndiko kurasika kwehunhu ikoko uye imhosva huru kuti munhu abvise hembe pachaunga obva atamba saizvozvo. Hatizvikurudziri, ndiko kurasika kwehunhu kunyangwe zvichiitisa mari yakawanda zvakadii,” vanodaro.




