Varwere votadza kurapwa

Muchaneta Chimuka

KURAMWA basa kuri kuitwa nemadhokotera vanoshandira muzvipatara zveHurumende pamwe nevakoti vacho pamusoro penyaya yekuda kuwedzerwa mari yavanotambira kuri kukonzera matambudziko makukutu sezvo varwere vari kushaya anovabatsira nenguva.

Kwayedza yakaenda kuchipatara cheHarare Central Hospital svondo rino ndokuona kuti varwere vakawanda – kusara kweavo vanenge vachinyanya kurwara – vari kutarisana nedambudziko rekushaya anovabatsira.

Vamwe varwere vakaonekwa vachidzokera kudzimba vasina kubatsirwa.

Vanamukoti vaionekwawo vachiita nyaya vari kunze kwechipatara ichi.

Dr Christopher Pasi, avo vanova clinical director weHarare Central Hospital, vanoti sechipatara, vari kuedzawo kuita nhaurwa nemachiremba kuti vanzwanane neHurumende uye kuti vave nemwoyo nevarwere.

“Tiri kushanda nechikamu che10 percent chemachiremba kureva kuti pane mutoro mukuru. Pano tine zvikamu zvekuvhiira varwere (theatre) gumi nezvisere saka zvinoda vashandi vakawanda. Tiri kuedzawo kuti vauye kumabasa nekuvapawo mafuta edzimotokari apo neapo asi machiremba anoti anodawo zvimwe,” vanodaro.

Vanoti vanachiremba vari kubatsira vanhu vari kunyanya kurwara sevanenge vaenda pakoma nekuda kwechirwere cheshuga nevana.

Hurumende nguva yadarika yakawedzera vanachiremba mari yavanotambira nechikamu che60 percent asi vakaramba kudzokera kumabasa.

Nerimwe divi, Hurumende iri kutiwo inoita chete dzimwe hurukuro nanachiremba ava kana vachinge vadzokera kumabasa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *