Vatambi vetsiva vakadadisa

VATAMBI vetsiva vaviri vanoti Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire naNicola Mutonhora vakahwina mitambo yavo kuMalawi svondo radarika kozoti Tinashe Mwadziwana akakwanisa kuita mangange mumutambo wakewo.

Chiwandire, uyo ari kusimukira zvikuru mumutambo wetsiva, akakunda mutambi wekuMalawi Duduzile Kamukwamba akaita chadzimira muround rechipiri.

Nicola Mutonhora zvakare akahwinawo mutambo wake mushure mekunge azvambaradza Musa Mukwanda wekuMalawi akaita chadzimira muround rechipiri.

Vatambi vemuZimbabwe vatatu ava mitambo yavo yaive yekudziisa nhandare mumutambo waLimbani Masamba wekuMalawi uyo airwira bhande reWelterweight Malawian Tittle iro raakahwina akunda Enerst Msoliza.

Maneja waChivandire, Mutonhora naMwadziwana – Clyde Musonda – anoti vatambi vake vakatamba zvinonwisa mvura kumutambo uyu.

Anoti mugore ra2016, sangano rake reDeltaforce Boxing richabatana nereNo Pain No Gain rekuMalawi iro rinotungamirwa naCraig Reousseau kuronga mitambo yakawanda iyo ichaona vatambi vemuZimbabwe vachirwa nevekunyika iyi.

Anoti iyi ichange iri mimwe yemitambo ichabatsira kuti mazita evatambi vake asimukire apo vanenge vakatarisana nekurwira mabhande akasiyana.

“Vatambi vangu vakatamba zvinonwisa mvura kuMalawi, kuhwina kwavakaita kunorakidza kuti tsiva yemuno iri kusimukira.

“Gadziriro dzavo dzavanogaroita dziri kushanda zvatinotarisira chaizvo nekuti vari kuhwina mushure mekupedza nguva refu vachigadzirira.

“Iye zvino tave kushanda navo kuti tivabike zvakasimba kuti vachitange kurwira mabhande akawanda epasi rese.

“Muno tina Charles Manyuchi anove shasha yepasi rose saka tinoda kuona vamwe vatambi vakawanda vachihwinawo sezvaakaita tive neshasha dzakawanda dzepasi rese,” akadaro Musonda.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *