MUKOMANA wechidiki wekuChimanimani ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuongororwa dambudziko reziso rake rakazvimba iro rasvika pakuvhara zvekuti harichashanda.
Delight Chipatiso (15), uyo anogara mubhuku rekwaNemaramba, anonzi ziso rake rakatanga kuzvimba achiri mudiki. Delight akanyora bvunzo dzake dzeGrade 7 gore rino uye ari kutsvaga nzvimbo yeForm 1.
Anoti dambudziko reziso rake rinomukanganisa kana ari kuchikoro uye imwe nzeve yake haichanzwa zvakanaka. Ambuya vake, avo vaanogara navo, Mai Beauty Ngorima, vanoti vashaya pekutangira nekuda kwedambudziko remwana uyu.
“Mwana uyu akazvarwa aine dambudziko iri asi ranga risina kukura kudai. Ziso rake ravhara, raimbopota richitsvuka uye richirwadza zvakanyanya asi ranga risati ravhara uye kurembera sezvaraita.
“Taimboenda naye kuchipatara achipihwa mapiritsi zvichimbodzikira. Kubva ari mudiki kusvika nhasi, haasati amboongororwa nanachiremba.
“Takamboenda naye kuchipatara cheParirenyatwa (Group of Hospitals), ndipo paakanzi anoda kuonekwa nanamazvikokota uye anoda kutanga avhenekwa pamichina (scan),” vanodaro.
Mai Ngorima vanoti pari zvino vari kutsvaga $380 yekuti muzukuru wavo anoongororwa ziso rake nemachiremba.
“Patakaenda kuchipatara vakati panoda mari yakawanda kuti mwana uyu abatsirwe. Vakati mari yekuona chiremba chete i$80 uye vakati panozodiwa mari yekuongororwa $300 neimwe yekuti abatsirwe mushure mekunge aongororwa.
“Mari yose iyi pari zvino handina. Kana kuine vanokwanisawo kupa rubatsiro vanogona kubatsira chero nenzira ipi kuti muzukuru wangu abatsirwe,” vanodaro.
Vanoda kuyamura Delight vanogona kuchaya nhare dzinoti 0773 057 308 kana 0773 162 570.




