Vatambi vetsiva vokwangwaya

Monalisa Sibanda (kuruboshwe) naDiana Makumbe
Monalisa Sibanda (kuruboshwe) naDiana Makumbe

Nyasha Mutena
SHASHA dzemutambo wetsiva yemadzimai, Monalisa Sibanda naDiana Makumbe, vanoti vari kurarama hupenyu hwegwakumukwaku zvisinei nembiri yavanayo uye ishuviro yavo kuti dai pawanikwa vakotsveri vanovatsigira. Muhurukuro neKwayedza, vaviri ava vanoti vose vave nemakore anodarika gumi vachiita zvemutambo uyu uye vachihwinha zvinodakadza asi hapana chavainacho chekuratidza kugona kwavo sezvinoitwa nevamwe vanoita mitambo yakaita senhabvu.

Sibanda anoti kusvika pari nhasi ava nemakore 22 achitamba mutambo uyu uye ari panhamba 11 pashasha dzetsiva pasi rose asi iyi inongove mbiri isina chouviri chaari kuwana.

Anoti akamboedza kuvhura chikoro chekudzidzisa mutambo uyu vanasikana nemadzimai asi zvose zvakakona n’anga murapwa achida sezvo akashaya mari yekushandisa kuti chirongwa ichi chibudirire.

Anoti chikoro ichi akanga achipa zita rekuti Dynamite Girls Sports and Trust.
“Zvinorwadza kuti isu kunze uko tinoonekwa sevanhu vane chipo chakakomba asi zvizvarwa zvemuno hazvitipe rutsigiro nokudaro tiri kungorarama hupenyu hwekusunza nekuti hapana kana anomboticheuka,” akadaro Sibanda. Mashoko ake akatsinhirwa naMakumbe uyo anoti ava nemakore 14 achitamba tsiva uye akadadisa nyika ino kakawanda asi hupenyu hwaari kurarama hunomurwadza zvakanyanya.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×