‘Vatambi vewiricheya vokwangwaya’

SHANGWITI yemujaho wewiricheya, Elford Moyo, anoti chishuwo chake chekuti makambani akasiyana aronge mijaho yakawanda yekuti vakwikwidze sezvo iriyo nzira yavo yekurarama.

Moyo akadadisa mwedzi yadarika apo akahwina mujaho weTanganda half marathon 21km kashanu kakatevedzana izvo zvakamuona achipinda munhorowondo yemujaho uyu.

Gore rino, shasha iyi yahwina mijaho yakaita seTanganda Half Mararthon, Old Mutual Nkulumane 10km fun run, PPC Matopos marathon nemimwe.

Muhurukuro neKwayedza, Moyo anoti kunyangwe hake akwanisa kuhwina mijaho yakawanda gore rino, mumaonero ake mijaho yavo ichiri mishoma zvikuru sezvo iriyo inovararamisa.

“Hatingambode kuvanzirana, mijaho yedu yewiricheya mishoma chaizvo yatiri kurongerwa nekuti mari yatinohwina inenge iri shoma dzimwe dzenguva.

“Kugadzirira kuenda kumujaho iyi kunorwadza sezvo mari yatinenge taburitsa yakawanda chaizvo. Sesu tinokwikwidza mumujaho wewiricheya, tinenge tichida kugadzirisa wiricheya dzedu pamwe nezvakawanda.

“Wiricheya itsva inodhura chaizvo kutenga saka nguva nenguva unofanirwa kutsvaga imwe yekukwikwidza pamwe neimwe yekuitisa gadziriro dzako. Zvino kana pasina mijaho yakawanda inenge ichirongwa saka isu tinozorarama sei?

“Makambani akasiyana kudai atibatsira ipapo,” anodaro Moyo.

Shasha iyi inoti parizvino iri mushishi kuita gadziriro dzayo sezvo ari kugadzirira kuzokwikwidza mumijaho yePPC Harare marathon neOld Mutual Westgate marathon munguva inotevera.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *