‘Kunditi pfambi here ini?’

Tafadzwa Mutsotso
MUKADZI wekuti anogara achizvambaradzwa nemurume wake achipomerwa nyaya dzechipfambi izvo zvakaita kuti asvike pakudzingwa pamba akazopotera kudare redzimhosva.

Egnos Magunje akamhan’arira Tawanda Gwanzura kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare achimupomera kuita zvezvikomba.

“Murume wangu anondipomera mhosva dzekuita zvikomba asi ini ndisina kana chandinoita. Anogara achindirova zvinova zviri kundikanganisa nekuti ini ndiri mwana wechikoro, ndinodawo kuti ndigare ndichifara ndisakanganisike pazvidzidzo zvangu,” akadaro.

Akati Gwanzura akamudzinga pamba mushure mekunge amupomera kuita zvechipfambi.

“Akandidzinga ndikadzokera kumba kwevabereki vangu. Ndakasiya vana vana vaari kuchengetesa musikana webasa, apa iye nguva zhinji anenge ari kupurazi kwake. Zvinondirwadza nekuti zuva randakamboenda kumba ndichida kunoona vana ndakasvika mumwe mwana wangu mukomana achirwara iye asipo,” akadaro.

Magunje akaudza dare kuti murume wake haatengere vana chikafu nehembe zvisinei nekuti anobata mari yakawanda sezvo ari murimi wefodya.

Gwanzura akapikisana naMagunje achiti ainyepera dare.

“Ari kunyepa zvose zvaari kutaura. Nyaya dzaari kundirukira dzawanda mukadzi uyu. Kutaura kuno akandisungisa achiti ndakaba nharembozha yake ini ndisina kana kumbobvira ndabata zvinhu zvake,” akadaro Gwanzura.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Magunje gwaro redziviriro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *