Vavakidzani vopumhana huroyi

Lizzy Mushoriwa —
YAKAVE batai batai mudare redzimhosva apo vavakidzani vakaudzana makobvu nematete mushure mekupumhana huroyi. Gloria Ziwerekete akadhonzera Margaret Mutambo kuHarare Civil Court achiti ari kumupumha huroyi pamwe nekumutsvagira gen’a rekuti rimurove.

“Changamire, ndauyawo naamai ava muvakidzani wangu asi hatisisina mufaro mukugara kwedu. Vanonditi ndiri muroyi asi ini handizive kuti ndakavaroya papi?” anodaro Ziwerekete.

Anoti Mutambo anomutsvagira gen’a kuti rimutuke nekumutyisidzira.

“Amai ava vanonditsvagira gen’a rinondityisidzira vachiti ndichazviona. Vakaenda kuDomboshava kumusha kwavo vakanyepa kunasabhuku kuti ndini ndiri kuvati muroyi apo vakanga vave kusandura nyaya,” anodaro.

Mutambo anoramba kuti ari kupumha Ziwerekete huroyi.

“Amai ava vanonyepa, ini handina kumbovati muroyi asi kuti murume wavo ndiye akauya kumba kwangu akati ndiri kufamba ndichiti mukadzi wake muroyi. Ivo amai ava ndipo pavakabva vatanga kupopota,” anodaro.

Ziwerekete anobva amugamha achiti, “Munonyepa, amai imi munogara muchiti ndiri muroyi. Tauraika kuti ndakakuroyai papi, hamunyare!”

Mutambo anomupindura achiti Ziwerekete nemurume wake vanofanira kusiyana naye.

“Haiwa, ndisiye iwe. Murume wako anofamba achitaura kuti ndakarara naye anozviwanepi izvozvo? Siyanai neni!” anodaro achifemuruka nehasha.

Mutongi Larzin Ncube akapa Ziwerekete gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×