Vavakidzani vopumhana huroyi . . .

—‘une nyoka inodiridza mumunda’
— ‘Vanondivengera kuva hurudza’

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAVAKIDZANI vakadhonzerana kumatare edzimhosva vachipomerana huroyi apo mumwe ari kunzi ane nyoka inomudiridzira zvirimwa zvake mumunda izvo zvinoita kuti ave hurudza.

Ettinah Kamangira akamhan’arira Petronella Karembera kuHarare Civil Court achiti ari kufamba achiudza vanhu kuti ane nyoka inomudiridzira munda wake uye kuti muroyi.

“Changamire wangu, mukadzi uyu muvakidzani wangu, asi ari kundiitira godo nekuti zvirimwa zvangu zvakaita kudarika zvake. Zvino ava kufamba achiudza vanhu kuti ndine nyoka inopota ichindidiridzira zvirimwa zvangu ndokusaka ndakakohwa pakuru. Asika, nyoka haingodiridze pasina kurimwa?”

Anoenderera mberi achiti: “Ari kundipumha huroyi achiudza vanhu kuti ini ndinoroya, ndakaroya muroora wangu akafa.”

Kamangira anoti munharaunda yavanogara vanhu vese havachada kutaura naye nekuti vave kutya kuti vanoroyiwa sekutaura kwaKarembera. “Vanhu vave kutya kutaura neni vachiti pamwe ndinovaroya uye nyaya yenyoka ndiyo yava kutowedzera. Vana vangu vave kutotya kufamba kana shamwari havasisina nekuda kweizvozvo.

“Ini haisi mhosva yangu kuti muroora wangu akafa uye kuti ndine goho kuvadirika ivo, dzingori nungo dzavo, vaitondiona ndichisakura asi nhasi vave kutaura zvisina basa,” anodaro mumhan’ari Kamangira.

Karembera anoti zvese zviri kutaurwa nemumhan’ari ndezvekunyepa uye dambudziko rakatanga Kamangira paakaenda kumapurisa achiti arohwa nemumwe muvakadzikani wavo anonzi Director Garamwera apo iye akazove mufakazi pakaenda nyaya iyi kudare.

“Zvataurwa zvese manyepo, ini handivapumhe huroyi kana kuvati vane nyoka asi chingoripo ndechekuti vakatsamwa kuti ndakanopupura kudare kuti Director aiva asina kuvarova sezvavaimupomera nekuti ndakanga ndiripo pavakanetsana. Vava kungotsvaga nyaya dzekuda kutisungirirawo,” anodaro Karembera.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Kamangira gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×