Vavakidzani vorwira chimbuzi

Nyasha Chabvonga
NYAYA yekurwira chimbuzi pakati pevavakidzani yakazoperera kudare apo mumwe akapoterako. Elizabeth Mabwe akamhan’arira Juliana Manyadza kuHarare Civil Court achiti vari kunetserana nyaya yepekuvakira chimbuzi.

“Anotumira mapurisa kuzoputsa chimbuzi changu. Izvi akazviita kekutanga, kechipiri akazopaza iye oga pasina mapurisa. Kana achitsvaira anoisa marara mugomba randiri kucheresa rechimwe chimbuzi chitsva,” akadaro Mabwe.

“Ndakaenda kukanzuru kunopihwa mapepa anoratidza kuti nzvimbo iyi yave yangu. Ndiri kuda gwaro rerunyararo nekuti amai ava vari kugara vachindituka vachindikanganisa kugara zvakanaka pamba pangu. Handizivi kuti imhosva here kuisa chimbuzi changu pandinenge ndichiona pachindiitira.”

Manyadza akapokana nemashoko aya achiti haana kupaza chimbuzi chaMabwe asi kuti akanga aisa chimbuzi panzvimbo isiri yake.

“Handina kupaza chimbuzi chake asi kuti chinondinetsa ndechekuti iye akaisa chimbuzi chake chiri muyadhi mangu.

“Hakuna anoda kunhuhwirwa netsvina dzekumaraini. Akavakirei chimbuzi chake chichiwandira kudivi rekumba kwangu? Hapana kumushungurudza kwandiri kuita asi kuti iye chimbuzi chake ndicho chiri kundishungurudza,” akadaro Manyadza.

Akati Mabwe ndiye anotomutuka pamwe nevana vake.

“Anondituka achiti ndakauraya murume wangu handizivi kuti akazviwanepi. Hapana kana musi waakamboona ndakabata chimbuzi chake asi ndinoshaya kuti zvose zvaari kutaura zvinobva kupi. Ndiye akatoputsa ega audzwa nemapurisa kuti aputse,” akadaro Manyadza.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Mabwe gwaro rerunyararo akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×