Bvunzo: Gore rino hapana chitsotsi

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti rakatora matanho ose akakodzera akananga kuona kuti mapepa ebvunzo dzegore rino dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzeGrade 7, O-Level neA-Level haasi kuzoburitswa nechikiribidi nguva yekunyorwa kwawo isati yasvika.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weEmakhandeni Entumbane, VaDingilizwe Tshuma, avo vaida kuziva matanho akatorwa neHurumende mukudzivirira kuburitswa kwemapepa ebvunzo nechitsotsi.

Kunyorwa kwebvunzo dzeZimsec dzeGrade 7 neO-Level kwakatanga svondo rapera.

Prof Mavima vakati kubvira kutanga kunyorwa kwakaitwa bvunzo idzi, bazi ravo harisati ratambira mashoko anoratidza kuti kune kwakaburitswa mapepa emazamanishoni aya nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana.

“Takatora matanho ekuti pasave nekuburitswa kwemapepa ebvunzo nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana. Gore rapera takaona kuti yakange isiri mhosva yeZimsec panyaya yemapepa ebvunzo aiburitswa nechikiribi asi kuti zvakaitwa neimwe yemakambani yataive tapa basa rekudhinda mapepa aya.

“Nekudaro takatora matanho kuitira kuti pave nekuchengetedzwa kwemapepa ebvunzo apo anenge ave kufambiswa, kutanga paanobva kuZimsec kusvikira asvika kwaanenge achizonyorwa,” vakadaro Prof Mavima.

Vanoti pane hunyanzvi hwemichina yechizvino-zvino hwavari kushandisa kuitira kuti pasawane anovhura mapepa ebvunzo aya.

“Zviri nyore kuzoona zvekuita nenyaya dzakadai, vakuru vezvikoro vane zvavanotarisirwa kuita zvakajeka pamusoro pekuchengetedzwa kwemapepa ebvunzo. Kusvika pari zvino hatisati tambonzwa nyaya ine chekuita nekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi gore rino. Tichakamirira kuona kuti matanho atakatora aya anoshanda zvakadini.”

Gore rapera, mapepa ebvunzo dzeZimsec O-Level English Paper 1 ne2 pamwe neeMathematics Paper 1 ne2 akaburitswa nechitsotsi nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana. Izvi zvakaona mazamanishoni aya achikanzurwa ndokuzonyorwa mamwe matsva.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *